Kuronza Mimba

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuAmai muronzamimba)

Pachinyorwa chino mazwi anoti kuronza mimba kana humai muronzi (surrogate pregnancy or surrogate mother ) ari kushandiswa kureva munhukadzi anobvuma kutakura pamuviri asi mwana waanotakura uyu asingazove wake. Munhukadzi anova amai sakuronza kana atakura mimba nechinangwa chokuzopa mwana kune avo vachazonzi ndivo vabereki vemwana pamutemo yenyika dzinogamuchira izvi. Pari nhasi (2015) kune mipanda miviri yekubereka vana nenzira yekuronza mimba:

Mitowo yekuronza mimba[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kuronza Mimba neZai rekukumbidzira nzira inotora zai rakapiwa sechipo rokukumidzwa nembeu yemurume achava mubereki, chipandemwana chinobva apa chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi anenge ari amai sakuronza.
  • Kuronza Mimba nechipandemwana chekukumbidzira nzira inotora chipandemwana chakapiwa sechipo chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
  • Kuronza Mimba neHuronyo hwekukumbidzira nzira iii inoshandisa huronyo hwakapiwa sechipo hwoshandiswa kukukumidza zai remunhukadzi achava mubereki, chipandemwana chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
  • Kuronza Mimba nechipandemwana chevachazova vabereki nzira iyi inotora chipandemwana chemunhurume nemunhukadzi vachazova vabereki chodzimikirwa muchibereko chemunhukadzi achava amai sakuronza.
  • Kuronza noMwene wezai nehuronyo hwakakumbidzira nzira iyi inoreva kuti munhurume achazova Baba anenge asina hukama hweropa nemwana achazvarwa.
  • Kuronza noMwene wezai nehuronyo hwemunhurume achava Baba nzira iyi inoreva kuti munhurume achava Baba vemwana ane hukama hweropa nemwana achazvarwa nenzira yekuronza mimba.

Pachinyorwa chino shoko rokuti kukumbidzira (donation) riri kushandiswa kureva chinhu chakapihwa seruyamuro pasina muripo uye chisina kukumbirwa.

Makakatanwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kuronza mimba kune makakatanwa zvichitariswa pamberi pechitendero chaJesu Kristu. Pane hunyangadzi hune mukana wekupinda pamaitiro ekubereka vana nenzira iyoyi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaMang'anja vanoti mluza (embryo).
  • VaTonga vanoti Nseke (embryo; seed).
  • VaMakonde vanoti chitumbo (pregnancy, embryo).