Adelaide Muskwe
| ||||||||||||||
Adelaide Thandeke Muskwe (akazvarwa musi wa21 Nyamavhuvhu 1998) mutambi wenetibhora wechiZimbabwe anotambira nyika ye Zimbabwe zvechidhidhizha uye anotamba panzvimbo dze nyadzivirachiwiro (goal defense)[C 1] ne mudzvindakunda[C 2] (wing defense).
Hupenyu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Muskwe ne mupatya wake hanzvadzikomana anonzi Admiral akazvarwa mu1998 kuChipatara che Parirenyatwa muHarare, Zimbabwe. Vakatama kuenda kuBhuritani vachiri nezera tatu. Nechisaka chechipo chake chekutamba netibhora akaenda kuKoreji ye Ratcliffe pedyo ne Loughborough Lightning uye akarairidzwa kukakambha eBhuritani echidhidhizha. Adelaide akagirajuweta kuYunivhesiti ye Nottingham Trent muGuruzivo re Maspoti (nge. Sports Science) uye akasaina netimhu renetibhora rinonzi Severn Stars muna2019 vanotambira muWorcester.
Aive membha weskwadhi rechiZimbabwe rakapedzisa pachinzvimbo chechisere muMukombe wePasirose weNetibhora muna2019, iyi yaive nguva yakamakwa senguva yekutanga yemunhoroondo yakawanikwa Zimbabwe mutonamende ye Mukombe we Pasirose we Netibhora.