Peji Rekutanga

Kubva Wikipedia

Mauya! Titambire kuWikipediya!

Musha uno ndewedu vatauri veChivanhu, mutauro weChiShona, muno muWikipedhiya.

Wikipedhiya chinyorwa chemudandira chinounganidzwa ungwaru, ruzivo nohunyanzvi hwezvikamu zvese zveraramo remarudzi osezvayo erino pasi. Zvakanaka zvakadzama kwazvo kuti gapu rese iri reungwaru, ruzivo nohunyanzvi rive rinonyogwa mururimi rwaamai. Basa iri ngatiritange nhasi tigorisiirawo vana vedu navana vavowo, zvichingoenda, ziyenda nakuenda.

Mutauro wedu isu vanhu hauna kugara uchinzi ChiShona kwete. Muchena ainzi Clement Doke ndiye akatanga kushandisa izwi rekuti ChiShona mugore ra1931. Mutauro wedu unonzi ChiVanhu.

Parizvino, muno muWikipedhiya mune zvinyorwa zvinoita 11,425 zvakanyorwa mururimi gweChiShona. Munokokwa mese, ani naani zvake, kuti muwedzere zvinyogwa izvi. Vanyori, vadzidzisi nevadzidzi veChiShona muzvikoro zvikuru zvedzidzo munokokwa kuti mutitungamirire pabasa iri. Tinodaidza kunyanya zvikuru sei avo vadzidzi nevadzidzisi vari muboka rezvidzidzo zveChiShona paYunivhesiti yeZimbabwe uyewo avo vese vakapedza zvidzidzo zveChiShona pachikoro chikuru ichi.

Kana muchida kuziva zvakawanda nezvehumwe yeWikipediya endai panzvimbo yemudandira iyi www.wikipedia.org

Tsvakai muwedzere ruzivo rwenyu nezve Kuisa zvinyorwa zvemumwe mutauro rudzi muWikipedhiya

Zvinowanikwa Mudenhe Rino

Mudenhe rino mune ruzivo rwakawanda nemashoko akawanda. Zvinotevera izvi muenzaniso wezvimwe zvinowanikwa pano paWikipidhiya. Vanhu vese vanemukanwa wekusvika pano vanokumbirwa kubatsira mukunyora uyewo mukukwenenzvera kuti zvinyorwa zvese zvinowanikwa pano zvive zvakanaka kwazvo uye zvichimirira chokwadi yemamiriro ezvinhu pasirino.

Kunze kwemagwaro anyogwa pamusoro apa, Wikipedyiya rino rinemamwi magwaro mazhinji ari pamusoro penyaya dziri mumhando dzakasiyana nedzanyogwa pamusoro apo.

Verengai chinyogwa chemuno muWikipeidhiya chomuenzaniso.

Nehanda Nyakasikana

Aah! Nehanda Nyakasikana!
Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichitambudzika;
Mweya Unoera!
Kunozove riniko,
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa?
Ko, inga taneta wani nokunwa misodzi;
Ko, toshirira kudzamara kuve riniko?
Ko, inga panguva yechando miti inozvizorodza,
Inokuhumuka mashizha yombowana rudekaro,
Kwozoti nokuchena kwokunze yodombera;
Mashizha yovawo nenhenhere inoyevedza;
Shiri nemhuka nenyuchi dzokwezvwa nehwema,
Ko, isu rugare ruchatisvika riniko?
Vana vacheche vatinobereka,
vawakatipa Iwe Samasimba,
vanova ndivo vadyi venhaka dzedu,
nhasi vokura vakasunzumara munyika yavo,
Voshaya nzvimbo dzokurarama nokuzvidekadza?
Apa nepapo pazere rufuse,
Makumbo avo ane matuzu nokupfuviswa neriri pfumojena.
Ko, vosvikepiko?
Mudzimba dzose nomumisha yose vari kutandwa pamwe nokurohwa;
Munzvimbo dzose nomumatare mose avanotongerwa, vari kungourayiwa senhunzi,
Pasina chikonzero, pasina mhosva
Pfuma yenyika nhasi yakatorwa vakagovana paukama hwavo vepfumojena.
Nhasi vari kudya mafuta ayo nyika
Isu tichidya nhoko dzezvironda
Nhasi vari kudya, vakora sehochi
Isu toondoroka sembwa ine gwembe
Nhasi vagere murusununguko
lsu todzipwa huro nemajoto
Rusununguko, Nehanda, ndorupi?
Hamungaburukirewo kwatiri here?
Harahwa dzedu dzobatwa sepwere
Munyika yawavapa, musiki mugoni!
Havasisina rukudzo panyika.
Havasisina chavanacho
Dambudziko guru ndiro ravawira
Baba mutsvene!
Gomo rine ngoni!
Hamungotinzwawo kuchema kwedu here?
Tine chitadzo chakakura sei
Chokubva matiramwa zvakadai?
Nehanda Nyakasikana!
Kunozova riniko?
Isu VaNyai tichidzvinyirirwa
Neriri pfumojena rasvika munyika.

~ Nhetembo iyi yakatogwa kubva mubhuku rinonzi, Feso, rakanyogwa naVaSolomon Mutswairo (mugore ra1956).

Kunowanikwa Ruzivo neZvigadzigwa Zvemutauro weChiShona


Other African-language Wikipedias that are not among large ones

Afrikaans · Akan · አማርኛ · Bamanankan · Chi-Chewa · chiTumbuka · Ɛʋɛ · Fulfude · Gĩkũyũ · هَوُسَ · Igbo · isiXhosa · isiZulu · Kanuri · Kinyarwanda · Kirundi · Kiswahili · Kongo · Lingala · Luganda · Malagasy · Oromoo · Sängö · seSotho · Setswana · SiSwati · Soomaaliga · ትግርኛ · Tshivenda · Twi · Wolof · Xitsonga · Yorùbá ·

(For other Wikipedias, look in the side-bar.)