Chindebele (chekuMaodzanyemba)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChindevere)
<- Dzvanyai Pano: Kudzidza Chindevele ->

Chindevere (mumutauro mavo vanoti Sindebele; Nge. Northern Ndebele) kana Chindevele pa Chishona, mutauro we Chibantu unowanikwa munyika dzinoti: Zimbabwe, Afurika Chamhembe neVutswana. Kunonzi zita rokuti Ndevele rinobva pakuti teba, zvichireva kunyura kumutauro weChitswana nokuti varwi veChindevele vainyura seri kwenhoo dzavo panguva yekurwisana nemuvengi. Chindevele mutauro we Chinguni izvi zvinoreva kuti unonzwisisika kuvamwe vanotaura mitauro yechiNguni (kwete mitauro dzese) sezvinoita mitauro yechiShona. Chindevele chinonzwisisika kune vanhu vanotaura Chizulu, Chixhosa kana Chiswati, asi Vazulu ndivo vanonatso nzwisisa Chindevele nekuti munhoroondo Chindevele chaive Chizulu, asi pavakazo paradzana ndipo pakasikwa Chindevele ne rusinga rwe Vandevele .

Chindevele chekuMaodzanyemba (chemuZimbabwe) chakasiyana ne Chindebele chekuAfurika Chamhembe.

Mabhii e Chindeḅele[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Tafura ye Mabhi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mandevele vanoshanidsa Chiratini kunyora, asi vane mabhii avo anoenderana nemutauro wavo, nekuti Chiratini hachina manzwi arimo muChindevele .

Mabhii e Chindevele
a b c d e f g h i j k l m n nd ng o p q r s t u v w x y z
bh ch dl gw hl jw kh lw mp nk ndl ngw ph qh th th xh
chw gq khw mhl nt

ntw

ndw ngx tsh
gx kw ml ny
kl mtsh nx
mph nq
mz nj
mng nz
mg ns
mb nw
nc

Zvinzvovera[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvinzvovera kana Zvivaramwana

Zvivaramwana zve Chindevele
Nzvovera Chindevele Chisitandadhi Shona Chirungu
a amanzi mvura, madzi water
e eba iba steal
i ingwe ingwe tiger
o oma oma dry
u ugogo gogo / ambuya grandmother

Mazwi ari pedyo ne eChishona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Chistandadhi Shona Chindeḅele
baba ubaba
pamberi phambili
kuseka ukuhleka
varimi abalimi
muvusi umbusi
vakadzi abafazi
mugwagwa umgwaqo
dhorobha idolobha
kushanda, kusevenza ukusebenza
kudya, kudhla ukudla
kufamba, kuhamaba ukuhamba
rurimi ulimi
mhara impala
nyati inyathi
nzou, zhou indlovu
chanza isandla
vaka, aka akha
mashonhi, mahlonhi amahloni
wanda, wandisa anda, andisa
yan'wisa, yamwisa anyisa
kuva ukuba
vava baba
vara bala
bhara bhala
bhabhatidza bhaphathiza
kubhebha ukubhebha
kubheja ukubheja
kubhema ukubhema
kubhaguja ukubhukutsha
kuvira ukubila
kuvora, kuora, kuwora ukubola
kuvona, kuvonisa ukubona, ukubonisa
kuvonga, kuonga, kuwonga, kuboka ukubonga
vuraya, vurawayo bulala, bulawayo
kurunga bulunga
vumba, umba, wumba bumba
kuvusa ukubusa
unga, ungana butha, buthana
kubvunza, kuvhunza ukubuza
dhakisa, dhakwa dakisa, dakwa
tara dala
dhamba, dhambisa damba, dambisa
kudherera ukudelela
dhirika, dhiritsa dilika, diliza
kudhinda ukudinda
kuvinga, kudinga ukudinga
dyiridzira, dhlilidzira dlelezela
dhonza (rakabva kuChinguni) donsa
kudhura ukudula
nyurura enyula
eza ? enza
kufa, kufira ukufa, ukufela
kufakaza ukufakaza
fana, fanana, fananisa, fanira/fanhira fana, fanana, fananisa, fanela
svika fika
svipira, svipudza? fiphela, fiphaza
fukura fuka
kufunda, mufundisi ukufunda, umfundisi
gamha gama
kugaya ukugaya
gera gela
geza, gezesa geza, gezisa
kugijima (rakabva kuChinguni) ukugijima
shambira hlamba
sangana, sanganisa hlangana, hlangisa
koshiwa khohlwa
kotama khothama
kura, kurisa khula, khulisa
rasa lahla
rara, vata lala
terera, yayeya (ndau) lalela
rovora, roora lobola
kuroya ukuloya
kurwa, kugwa ukulwa
man'hara mangalela
mitisa mithisa
kutenga ukuthenga
kutemba ukuthemba
nzwisisa zwisisa