Zvinoshandiswa kuchengetedza

Kubva Wikipedia
Chenjedzo yemoto nechiveneko (Wheelock MT-24-LSM).
Zvinoshandiswa kuzuvisa gumbapamwe yemumba.

Zvinoshandiswa kuchengetedza (security devices) kana gumbapamwe rezvinoshandiswa kuchengetedza zvinotumira mashoko ekuti unokwanisa kuona kana kuti kunzwa chinochengetedza chinokwanisa kukuzivisa kuti pane chaitika kana kuti zvichangoitika. Zvinoshandiswa zvinosanganisira sairini (siren).

Semuenzaniso zvinoshandiswa kuchengetedza zvinotevera zvinoti:

  • Chenjedzo pambavha (burglar alarms) yakagadzirirwa kuzivisa kana kusvinudza asvika panharaunda yakachengetedzwa. Izvi zvinoitika muchinyararire kutumira mashoko kune mapurisa kana varindi. Vanoziviswa pasina uzivi hwembavha, zvichiwedzera mukana wekubata mbavha.
  • Chiringazuva chevarindi (alarm clocks) inosvinudza munguva dzose dzaunenge wakasarudza. Mugumbapamwe rekuchengetedza chiringazuva chevarindi chinozivisa kana zvaunenge wakanzi uite ukasazviita inozivisa.
  • Chenjedzo nedziviriro (safety alarms) inorira kana pane chakaipa chaitika. Chenjedzo nedziviro dzinonyanya paruzhinji:
    • sairini kana pachinge paita mafashamu emvura nemoto unoparadza nharaunda
    • chenjedzo yemoto mukati mechivakwa zvinoiudza kuti moto watsva. Izvi zvinowanzova nepazvinosvikira unyanzvi wezvinoitika.
    • chenjedzo yeutsi mukati mechivakwa
    • chenjedzo yekuchengetedza motokari


Pachishona vanoridza ngoma kana kuridza hwamanda kuzivisa vari kure kana kwaita moto kana vavengi kana zvimwewo zvaitika.