Kududza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuZvakadudzwa)

Zvakadudzwa (specify, explain ) ndizvo zvakataurwa kana kunyorwa pasi maererano nenhau iri kutaurwa pamusoro payo. Apa panenge pachitaurwa zvine hudzamu hunotsanangura zvakati wandeyi kudarika kudoma chete. Pachinyorwa chino izwi iri riri kushandazve kureva specify.

  • Kududza (to tell, say to, explain).
  • Kududzira (to say, to tell, explain to or for, interpret)
  • Kudura (to tell, confess).
  • Kudurira (to tell, to intepret).

Kana chiri chingwa chiri kutengwa panenge pave kutaurwa kuti chakakura sei, chichena here kana kuti chebhurauni, uye chegorosi rakatsetswa here kana kuti risina.

Kana iri imba iri kutengwa kunenge kwave kutaurwa kuti ine marhumu mangani, iri mumusha upi, mudhorobha ripi zvichingodaro.