Wedzaniso

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
AdditionShapes.svg


Muchidzidzo masvomhu, wedzaniso (Addition in English) chiitiko chinobatanidza mapoka ezvinhu kuti ave boka guru. Pamuenzaniso uri kurudyi, pane mapoka maviri rekutanga rine nhengo 3, rechipiri rine nhengo 2 - kana zvabatanidzwa nhengo dzose dziripo dzinokwana shanu (5). Naizvozvo tinoti 3 + 2 = 5. Wedzaniso inoshandiswa kubatanidza huwandu hwezvinhu kuchisahndiswa nhamba dzakasiyana dzinosanganisira, nhamba pfocho, dimbu, nhamba svinu, nhamba dzisisvinu, zvichingodaro.


Mitemo yewedzaniso[chinja | edit source]

Chiratidzo chewedzaniso
  • Panowedzaniswa nhamba dzinodarika mbiri, hazvina basa kuti nhamba yatanga ndeipi, kurongeka kwenhamba dziri kuwedzaniswa hakushandure zvinobuda.
  • Kudzokorora wedzaniso ya 1 kwakafanana nekuverenga nhamba dzinotevedzana.
  • Kuwedzanisa nhamba na 0 (zero) hakushandure nhamba.

Mamwe mashoko anoreva wedzaniso ndeanoti, kukumbanidza, kubatanidza, kususukidza.