Vanhu vemuAfrica

Kubva Wikipedia
Bantu (Angola)
Arab (Libya)
San (Botswana)

Vanhu vemuAfrica

Huwandu hwevagari veAfrica hwakakwira zvakanyanya pamakore makumi mana (40) apfuura, nokudaro Africa ine vanhu vazhinji vechidiki. Mune dzimwe nyika dzeAfrica chikamu chidarika 50% yevanhu vari pasi pamakore 25 ekuberekwa. Huwandu hwevanhu muAfrica hwakakwira kubva pa 221 million muna 1950 kusvika pa 1.0 billion muna 2009.

Marudzi evanhu vanotaura mitauro yechiBantu ndivo vakawanda kubva pakati peAfrica zvichienda kuchamhembe nekuchamhembe kwakadziva kumabvazuva. Mudunhu iri munowanikwawo marudzi eNile vanowanikwa kuSouth Sudan nekuMabvazuva kweAfrica, pamwe nemaSwahili nemaKhoikhoi vanowanikwa kuchamhembe kweAfrica. Marudzi emaKhoikhoi ndiwo anonzi akatanaga kusvika kuchamhembe kweAfrica kuchizotevera vatauri vendimi dzechiBantu. MaKhoikhoi ndivo vane rudzi runonzi San kana kuti rwainzi Bushmen kare.

KuMaodzanyemba kweAfrica kune mapoka maviri: Berber neArab kumadokero; vaEgypt nevaLibya kumavirira. Verudzi rwechiArab vakasvika mudunhu iri mwaka wechizana 7, vakaunza mutauro weArabic nechinamato cheIslam kunzvimno idzi. Vanhu veMarudzi aShem vakauyawo mudunhu iri vachisanganisira: vaPhoenician nevaHysko - maGreek nemaRoman vakagara munzvimbo iyi. Verudzi Berber ndivo vanova ruzhinji munyika yeMorroco uye muAlgeria mune vane chitsama chakati kuti. Rudzi urwu ndirwo rune vanhu vanogara mugwenga reSahara kunyanya.

Munyika dzeEritrea neEthiopia mune vaAmhara neTigryans vanotaura mitauro yemarudzi aShem iri pamupanda wendimi dzeAfro-Asiatic. Mudunhu rimwechetero mune vaOromo nevaSomali vanotaura mitauro yemarudzi aCush iri pamupanda wendimi dzeAfro-Asiatic.

Mumwaka wakanga Africa ichiri pasi peVarungu kwakanga kuine varungu munyika zhinji asi iye zvino vasara vane chitsama munyika shoma. Mumakore akawana nyika dzeAfrica kuzvitonga varungu vakatama kubva munyika dzinoti: Algeria, Kenya, Congo, Rhodesia, Mozambique neAngola. Zvinofungirwa kuti maPortuguese vanokwana 1.0 millin vakabuda muAfrica mumwaka 1960-1979. Parizvino varungu vanowanikwa vashoma munyika dzinoti: South Africa, Zimbabwe, Namibia and Réunion. Nyika ine varungu vakawanda ndiyo South Africa uye nyika iyi ndiyo ine verudzi rwechiJudah zvakanyanya muAfrica. Marudzi ane madzitateguru vekuEurope anosanganisira, Afrikaner, Anglo-Africans (vakabva Britain) uye Coloureds.


Kuuya kweVarungu vakauya nechitsama chevanhu vakabva kuAsia zvikurusei marudzi eIndia. Misha inogara marudzi echiIndia inowanikwa muSouth Africa uye muKenya neTanzania. Zvitsuwa zviri mugungwa Indian Ocean zvakagarwa vevanhu vakabva kuAsia imwe nguva vairoorana neVanhu VeAfrica pamwe neveEurope. Vanhu vari muMadagasca ndeverudzi rweAustronesian asi vanosangana nemarudzi anoti Bantu, Arab, Indian and European. Mumwaka wechizana 20 kumahombekombe eAfrica kumabvazuva nekumadokero kwakasvikavo vane chitsama vemarudzi eku Lebanon neChina.