User talk:Youngston Tafadzwa Dzikiti

Zvirozvemo zvezanhi hazvitsigirwe mumimwe mitauro.
Kubva Wikipedia

Nduri DzeMaungwe[chinjirudza mabviro]

Nhetembo dzaYoungston Tafadzwa Dzikiti

Youngston Tafadzwa Dzikiti[chinjirudza mabviro]

MATSAMWEIKO?

Nhai madzitezvara angu Mucheke naRusape, Chinya rudziyi chinenge chanyaruzanda? Shungu dzehochi kuita mwana usavi! Nhuna dzenyu revai mukwasha ndiripe, Kana riri jeredzwa riri munzira haro, Ko hwenyu hunyoro makaweredza here? Rwendo rwuno makatungamidza hasha, Dzokei hukama hwedu hwoita sehwemubhazi.

Rusape wainge wasvetwa nenyota, Sarei wave jecha namatombo chete, Chirimo chese nendumure maiswedzana, Uchidzikupira hwama hwerongo hwako, Uchivapa hunga, ngurusi, hwakwa nemasinde, Kubwaira kwaNyadenga iwe fume sandukuminya! Wawakaswera naye zuro fume okuhuta, Wakandomedza turukova twese kuMadetere, Madhamu ose aiputika uchiati mauya, Zvonyamba waiziva pane shungu dzako, Wanike rako dhamu razarisa rofashukira, Fume watofuka bhiriji guru rekuTsanzaguru, Makombi nevanhu ugozvitarira muganhu! Ukavati vemhiri ngaagare mhiri kwake!

Uchingoti dzikei kwaGutuza ugoruvamburura, Kwave kupfumbidza dzako nzira paunoda, Misha yevanhu ukaiita magukurwizi, Ugoti sika kukohwa pausakarima! Tipure chibage nenzungu zvisati zvakombodza, Dzikei kwaMhukayesango watove shumba, Naku naku mapindu nembesa dzawo! Sare vanhu nyena wavasunzira nzara, Mashiri, Dinhamutsvedzu, neDorambwa ukafuka, Svikiriri kumasanga ungori shishiriri, Kwava kundorunzirana neshamwari yako Mucheke.

Nekwakabviwa naMucheke wacho ndepano? Achifurufusha mumapurazi mese muHeadlands, Pataipfuya mombe iye achipfuya vanachemakoko, Asingaseki, asingafemi nekudumbirwa, Bhiriji rekwaMukonyora akarivanza mujecha, Miti yese yaimusvota akaitipura hutu nayo! PaChidzivamukwidi agotakurawo nematuwo angu! Dzokei kumba ndaisa musana kumweyo! Marikinya aHwingwiri akagoonzi hwepu.

Achidarika Risinamwana, Dambi naZindoga, Hoyo ombozororera akagara munhivi yaSandura, Mapepa naSandura vakabatira ura mumaoko, Achingoti pote naMajakwara dhumha naMhezi, Mhezi aitoshayawo kwekurasira mvura dzaRungaya, Svikei ngondo ngondo musha waKambeva. Bhiriji repaRupfunde fume risiri kuoneka, Agotandanisa vekwaMbiriri nemambure avo, Vakapedza mwedzi vasingazive kana sinde zvaro! Akagoobatana naNyamasanga havo pote Mabvuwo! Mugedhe wekwaMuvhimwa tsigei, nawo hutu! Vanoenda kwaKatsenga sarei vapeta maoko, NaRusape havo dhabu kabhiriji kekwaMurahwa, Chinembiri, Manyora naKatsenga vakaungudza.

Nhai vakarahwa vangu dondiudzaiwo, Zvamakaiitira rwendo rwuno zvikurukuzhungu, Chokwadi makatigura kunorira, makatitsvata, Mbudzi yemurombo chokwadi haibereki, Kusasika nesewo vanagwaumbu hunziiko? Togoonunawo neiko isu mafuta tisina? Wani zvinonzi hasha hadzitongi dare, Midzimu mikuru chiregai chinya!

based on a true story