User:Masiziva

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuUser:Tsvarakadega)

Kwaziwai Kwaziwai mwose.

Mauya! Ndikutambirei paZanhi rangu reMushandisi.

Pano paWikipidhiya ndinozivikanwa sa Masiziva asi ndakambozivikwa nerimwe zita rokuti Tsvarakadenga. Ndakashandura zita rangu nokuti rakange rakaperetwa zvisizvo, saka ndakakumbira kuti rishandurwe kutodza chidau changu semukadzi wedzinza re Dziva.

Mabasa angu pano paWikipidhiya akasiyana, ndinosika uye nokugadzirisa mazanhi eWikipidhiya e Chishona. Ndakauya wo kuti ndiwedzere magwaro mushure mekuwerenga chinyorwa chaitaura nozvokuti Chishona chinogona kuzofa nokuda kwekusashandiswa padanhautande. Chishona hachina mazwi echimanjemanje uye hayina Keruro yayopachayoe yekunyorersa. Ndaba iyoyi yekunyora nezve keruro ndichaudzokera nokuti ndoona senge mitauro yedu (isusu vana veAfurika) inofa nokuti inonyorwa seChingezi uye inotora girama ye Chingezi kusvika mashoko edu isu atotsvakatika.

Kutora mashoko ekumwe haisi mhosva inoparadza, asi kutora chero mashoko mitauro wako une mashoko achona ndizvozvinoparadza. Icho Chingezi chakatora mazwi anobva kumitauro inodarika 350, izvi zvakanaka. Chishona chedu chinotora wo mashoko asi chinotora kumitauro iri pedyo nayo pekutanga, yozotora kubva kumitauro ye Chibantu neyekudzimwe nyika, kunyangwe Chiswahiri chizere nemashoko eChiarabhu, Chigiriki, Chingezi ne Chiratini.

Tarisai Zanhi Rekutanga kuti muone zvinyorwa zvirimukati meWikipidhiya yedu.

Drafts[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Template:Andakitika

Template:Ostireriya Teritori Guru Template:Walesi Dzva ye Chamhembe Template:Teritori ye Maodzanyemba Template:Kwinisilendi Template:Tasmania Template:VoVhitori Template:Ostireriya ye Mabvazuva

Template:Zimbabwe


Template:

Ufukamoyo (covering the heart; close away the heart