Oliver Mtukudzi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuTuku)

Oliver "Tuku" Mtukudzi muimbi wemuZimbabwe akaberekwa gore ra1952 muHarare. Muimbi uyu anodanwa nezita remusere rokuti Tuku

Nhoroondo yaTuku[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mtukudzi akatanga kuimba mugore ra 1977 nechikwata Wagon of Wheels vari vese nomuimbi Thomas Mapfumo. Vakaimba rwiyo rwakaita mukurumbira rwainzi "Dzandimomotera". Mtukudzi akazobatana nechikwata chizviti Mahube, chaisangana vaimbi vekuchamhembe kweAfrica.

Mtukudzi ndiye mumwe wevaimbi vanemukurumbira muZimbabwe uye kunze kwenyika iyi. Akaberekwa kurudzi rweChiKorekore, ari wedzinza Nzou Samanyanga. Musambo wenziyo dzaanoimba unodanwa kunzi "Tuku Music". Mtukudzi akafamba nebasa rokuimba kumhiri kwemakungwa achisvika kunyika dzinosanganisira UK, US and Canada uko aiunganirwa nevanhu vazhinji.

Mumwaka uno wemamiriro ehupfumi nehutongi munyika yeZimbabwe, Tuku akaimba rwiyo rwunonzi "Ndakuvara". Rwiyo urwu rwunotaura pamusoro pekushungurudzwa kwevanhu zvichienderana nematongerwo enyika. Akatsikisawo rwumwe rwiyo "Bvuma Wasakara" rwunokurudzira vachembera kusiyira vechidiki mabasa nehutungamiri.

Oliver Mtukudzi ndiye mumwe wevaimbi vane mukurumbira muZimbabwe; vamwe vacho vanosanganisira Alick Macheso, Charles Charamba, Olivia Charamba, Pardon Mutsago, Mercy Mutsvene, Joyce Simeti nevamwewo.

Madambarefu aMtukudzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • 1978 Ndipeiwo Zano (yakatsikiswa zvakare 2000)
  • 1979 Chokwadi Chichabuda
  • 1979 Muroi Ndiani?
  • 1980 Africa (yakatsikiswa zvakare 2000)
  • 1981 Shanje
  • 1981 Pfambi
  • 1982 Maungira
  • 1982 Please Ndapota
  • 1983 Nzara
  • 1983 Oliver's Greatest Hits
  • 1984 Hwema Handirase
  • 1985 Mhaka
  • 1986 Gona
  • 1986 Zvauya Sei?
  • 1987 Wawona
  • 1988 Nyanga Yenzou
  • 1988 Strange, Isn't It?
  • 1988 Sugar Pie
  • 1989 Grandpa Story
  • 1990 Chikonzi
  • 1990 Pss Pss Hallo!
  • 1990 Shoko
  • 1991 Mutorwa
  • 1992 Rombe
  • 1992 Rumbidzai Jehova
  • 1992 Neria Soundtrack
  • 1993 Son of Africa
  • 1994 Ziwere MuKobenhavn
  • 1995 Was My Child
  • 1996 Svovi yangu
  • 1995 The Other Side: Live in Switzerland
  • 1997 Ndega Zvangu (yakatsikiswa zvakare 2001)
  • 1998 Dzangu Dziye
  • 1999 Tuku Music
  • 2000 Paivepo
  • 2001 Neria
  • 2001 Bvuma (Tolerance)
  • 2002 Shanda soundtrack
  • 2002 Vhunze Moto
  • 2003 Shanda (Alula Records)
  • 2003 Tsivo (Revenge)
  • 2004 Greatest Hits Tuku Years
  • 2004 Mtukudzi Collection 1991-1997
  • 2004 Mtukudzi Collection 1984-1991
  • 2005 Nhava
  • 2006 Wonai
  • 2007 Tsimba Itsoka
  • 2008 Dairai (Believe)
  • 2010 Rudaviro
  • 2010 Kutsi Kwemoyo
  • 2011 Rudaviro