Tsuro
Tsuro (rabbit in English) imhuka inowanikwa musango uye inopfuyiwa pamusha. Tsuro iri pamupanda wemhuka dzinoyamwisa. Mhuka iyi inowanikwa Pasirose iyine mhando dzakasiyana-siyana. Kamwana ketsuro kanonzi kanhowa.
Magariro [chinja]
Tsuro dzinowanikwa munzvimbo dzinoti, mapani; masango; matoro. Tsuro dzigadzira nzvimbo pasi pemakwenzi kana kuchera mwena yadzo. Vanamazvikokota vanoti tsuro zhinji dzinowanikwa kuNorth America. Tsuro dzinowanikwayo kuchamhembe kweEurope; kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAsia; Sumatra; Japan neAfrica.
Chimiro cheTsuro [chinja]
Tsuro dzine nzeve dzakareba kuita 10cm idzi dzinobatsira kunzva kana zvikara zvouya. Makumbo eshure ndiwo ane simba rakanyanya uye ndiwo anoshanda pakukwakuka kunoita tsuro pakusvekuta nepakumhanya. Makumbo emberi ane zvigunwe zvishanu, nechimwe chiri pamusoro zvishoma.
Tsuro inoreba kuita 20-50cm kubva kumusoro kuvika kubesu, ichiita huremu hunosvika 0.4-2kg.
Tsika [chinja]
Ana ambuya nanasekuru vanotaura ngano zhinji dzna tsuro nagudo; tsuro inonyanya kutaridzwa sekamhuka kadiki kakachenjera gudo riri mhuka hombe isina kungwara.