Dovi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuTseme)

Dovi (Peanut butter) kudya kunogadzirwa nenzungu dzinokangwa, dzigotwiwa nekukuyiwa. Mushure mokunge nzungu dzakangwa dzaipukutwa kubvisa marara dzogopepetwa marara achienda nemhepo.


Zvadai nzungu dzadzvurwa muduri dzichipwanyiwa kugadzirira kukuyiwa kuita dovi. Nzungu dzadzvurwa dzaizokuyiwa paguyo nehuyo.

Dovi rinoshandiswa zvakawanda kusanganisira kubikisa muriwo, nyama, chimukuyu, bota, mupunga uye kuzora pachingwa.

Nhemba (calabash with wide mouth used as a dish) iguchu rine muromo mukuru rinoshandiswa sedhishi kana kubangira dovi.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Guchu rinobangirwa dovi rinonzi nhemba kana kuti tseme.
  • Gweredede (having soft, smooth consistency) zvichireva dovi rakati sesepu. Dovi rakanatsoti gweredede.
  • Mhokotorwa (residue of peanut butter rubbed of grindstone) zvichireva musaridzwa wedovi unokukutwa kubva paguyo. Uku kunonzi kupokotora.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti otyi-hupe (residue).
  • VaHerero vanoti otyi-hupe (rest as in remnant).

stew[1])