Skweya
From Wikipedia
(Redirected from Tsazano)
Muchidzidzo chePimanzvimbo (Geometry), skweya (Square) chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonya ina dzose dzakaenzana. Skweya riri mumupanda wegonyaina.
[chinja] Pimamuganhu neNharaunda
Pimamuganhu yeskweya rine mativi akareba nhambwe K inowanikwa netsazaniso inoti:
Pimamuganhu, P = 4.K,
uye Nharaunda yeSkweya inowanikwa netsazaniso inoti:
Nharaunda, A = K2
[chinja] Zvifaniro zveSkweya
Skweya iri mumupanda wegonyaina tsazamativi negonyaina tsazamakonya, saka zvinoreva kuti ine zvose zvifaniro (properties) zviumbwa zviviri izvi; sokuti:
- Danhamakonya mbiri dzinochekana negonya re 90o uye dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvakaenzana.
- Danhamakonya dzeSkweya dzinocheka makonya muzvikamu zviviri zvakaenzana.
- Mativi akatarisana eSkweya akaenzana uye akati sambamba.
- Danhamakonya mbiri dzeSkweya dzakaenzana
- Makonya ose ari mana eSkweya akaenza ari 90o