Talk:Peji Rekutanga
From Wikipedia
Nhai vanhuwe, ko basa iri guru toritanga sei? Ko kana ndichida kunyora kana kuchinja magwaro ari muWikipedhiya kurumi gwedu ndoita sei? Uyezve, pane kutenderana here kuti toshandisa chikamu chemutauro chipi pane ChiKaranga kana kuti ChiZezuru kana ChiManyika kana ChiNdau, etc. Ini ndiri Mukaranga asi handioni chakashata kuti tive nemagwaro ezvikamu zvese zvemutaura wedu. Ndinovimba kuti tese tinogona kuverenga zvikamu zvese zveMitauro yemuZimbabwe. Chingatinetsa chete ndemamwe mashoko kana mahwi kana manzvi angave matsva zvichienderana nekuti tinotaura chikamu chipi cheChiShona. Asizve izvi hazvingatinetsi kana tikashinga kunyora Duramahwi kana kuti Duramanzvi ramashoko ese anosanganisa zvikamu zvese zvemutauro wedu. Ini ndinoti ngatitangei basa iri! Munyori ngaanyore nechikamu chomutauro wake waanotaura - chatinongoda chete ndezvokuti ngauve mutauro weChiShona. Mose munoti kudii nezvese zvandataura pano? - Kudakwashe
Anyone speak english as well as this language that could help translate from the english wikipedia, or just answer some questions for me? Contact me on Wikipedia English please as "User:This is a sock puppet of User:Okiefromokla" 70.128.110.120 04:24, 2 Ndira 2008 (UTC)

