Sinyoro

Kubva Wikipedia

Sinyoro mutupo unodanwa varume verudzi rwechi Njanja rudzi rwevatema vari muZimbabwe asi vachibva kuPortugal.

Mudzimai wa Sinyoro anodanwa kunzi Gambiza. Hanzvadzi yake ichinzi Achinjanja kana MaMoyo. Vanhu vechi Njanja vanhu verudzi rwechi Shona vachitaura mutauro wechi Shona.

*Vanjanja havasi ma Juda (Jews). Tateguru wavo (Gouveia/Guvheya) aibva Portugal ari mushavi (an accomplished trader)*. Haana waaitiza ( he was not a refugee), aitozhishavirawo zvake. Akaroora mudzimai aidaidzwa kuti Gambiza uyo akazvara mwana ainzi Muroro.



Detembo remutupo wana Sinyoro unova Moyo wavaNjanja Moyo Sinyoro Praise Poem

Maita Sinyoro,

Zvaitwa Muroro.

Vagari vamachira,VaZungu vamachira machena,

Vakauya nomumvura

Kuzoshambadza ndoro nendarira.

Kuziva zvenyu vashambadzi,

Maita zvenyu vezviuya zvinenge mukaka,

Unodyiwa navasina meno.

Tatenda vadyi vamazai,

Vamupfura magidi,

Nguo takasuka kare,

Vaeni vakauya vakatakura umambo,

Vanodya maroro vakatambarara,

Vadyi vendatsva namashongadede,

Vadyi venzungu,

Vakaisa ibwa mudura,

Vachiti imbudzi isina nyanga

Vabvakure,

Vachitsva chiri murutsoka,

VaUsuunjenjema,

Vagere zvinjanja,

Vene vepasi,

Vanofamba vari padara.

Vazukuru veshiri.Ziendanomudenga,

Vane hama dzakaperera Chirozva.

Mazviita VaSenna, maita Moyo,

Mutupo mukuru waierwa Dzimbahwe,

Nyama inyoro mutupo usina mupatsa,

VaChumachitete, chikobvu chinobanduka,

Aiwa zvaitwa munjanja.

That’s awesome Sinyoro

That’s splendid Muroro

Fair skinned clan distinguishable by the white Cloth you Donn.

Voyagers from beyond the oceans

You who came to trade precious jewels.

A People with great knowledge of their wares,

Possessors of precious goods perfect as milk

Which (Milk) can be consumed even by the toothless

We appreciate/grateful to you, who are known for feasting on eggs

Black smiths who forge muzzleloaders / You who fire muzzleloaders / People who make loud sounds.

You of pristine attires

Immigrants who came from Royalty

Who enjoy custard Apples while relaxing/Resting

Who dress in special attire to eat special delicacies.

Who consume nutty snacks

You kept a dog locked up in a grain Silo.

When asked you said it was a hornless goat.

immigrants from faraway lands

Who were aware that new experiences await those who travel.

Whose faces shine with brilliance

You who currently resides in zviNjanja

Owners of the Land / world

Those who are carried around on Palanquins.

Nephews/Nieces of Hungwe (Fish eagle) which soars high in the sky.

Whose relatives perished in Chirozva

Thank you yea who migrated from Senna, Thank you Moyo.

The great totem venerated at Dzimbahwe

The heart might be a soft organ but it is the totem that unite the clans (Does not segregate)

Yea who don soft (thin) beads because hard (Thick) ones crack easy.

Ahh ! You have done a great deed.



Praise poems were designed to highlight the unique traditions, features and habits of every clan. These poems have remained unchanged for thousands of years Detembo iri rakatorwa mubhuku rakanyorwa nava Aaron C. Hodza rinonzi "Mitupo neZvidao Zvamadzinza."

Gambiza (Tsika yevaNjanja yakasiyana nemamwe madzinza emuZimbabwe)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gambiza izita rinopiwa Moroora wevaNjanja vana Moyo Sinyoro.

varume vechiNjanja vanonzi vana Moyo Sinyoro kana kuti Moyo Munjanja Hanzvadzi dzavo dzichinzi Mamoyo Chinjanja Mudzimai waSinyoro anonzi Gambiza.

Gambiza A unique Njanja Tradition (English Translation) edit | edit source][chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gambiza is a title of all women who get married into the Njanja Clan. The Njanja people are a group of people found in Southern Africa mostly in Zimbabwe.

  • A male Njanja is called -Moyo Munjanja or Moyo Sinyoro
  • His Sister is called maMoyo Chinjanja
  • His wife is given the title of Gambiza

Sinyoro vanowanikwa kupi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Vanhu verudzi urwu vanowanikwa munzvimbo yaimbonzi Njanja asi yava kunzi Chikomba district mu Mashonaland east province nemu Buhera District mu Manicaland province munyika yeZimbabwe. Nekuda kwenguva yafamba vatekeshera nenyika yose yeZimbabwe uye vamwe vari pasi rose kune dzimwe nyika.

Vanjanja ava vakabvepi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvinonzi vakazvarwa nemadzitateguru akabva kuPortugal. Karekare, maPutukezi vaipinda muAfrica vachishambadza machira, ndoro ne ndarira. Zinonzi mumwe wemaputukezi ainzi Muroro akarwara akasiiwa nevamwe vake vachiti ambozorora. Akasara munyika yavaera Shiri Hungwe, nyika yaitongwa na ishe Chigwa kana kuti Chirwa. Mwanasikana wamambo Chigwa ainzi Mushawashe ndiye akapihwa basa rekuchengetedza (kupepa) Muroro kusvika apora. Nekufamba kwenguva vaviri vakadanana ndokuitisana pamuviri izvo zvisina kufadza Mambo Chigwa. Kune nhoroondo inoti Mambo Chirwa havana kufara nazvo zvekuti vaida kumuuraya. Zvinonzi akapotera ku Nharira kwaigara va Rozvi vaera Moyo na mambo wavo ainzi Gwangwava Musarurwa neumwe wake Sango. Zvinozi ndopaakatora mutupo wekunzi Moyo.

Izvi zvinotsamwisa Ishe Chigwa, asi anodzorwa nevaRozvi kwakanga kwatizira Muroro uye navaHera kwaaiva akaroora Mungu mwanasikana washe Masarirambi wechiHera. Zvinonzi hama dza Chigwa dzinoronga kuuraya Muroro asi anochengetedzwa neva Rozvi vaera Moyo nekuti anga akatora mutupo we Moyo. Imwe nhoroondo inoti akagamuchirwa na Mambo semukwasha, mushure mekuroora achishandisa zvinhu zvaitengesa sepfuma.

Baba vaMuroro vainzi Kuvheya vamwe vaiti vakabva ku Portugal, asi Mai vake vainzi Gambiza vakanga vari we rudzi rwechi Nyungwe rwaigara pedyo nepamusika we Sena (Sena trading post) munyika yavakunzi Mozambique mazuvano. Zita rekunzi Muroro zvinonzi akariwana kubva mukutaura kwake nekuti aitaura achiti "ro-ro-ro", vamwe vachitio aiva akatsvuka seroro rakaibva. Zita rokuti Sinyoro rinobva pane zita rechiPutukezi rokuremekedza rokuti "Senhor" rinoreva kuti Ishe.

Muzukuru waMuroro anonzi Neshangwe ndiye akapuwa umambo hwe nyika yanga iri ya Chigwa, mushure mekunge atangira vana vaChigwa kuzivisa vaRozvi nezverufu rwababa vavo ishe Chigwa. Neshangwe ndiye akaita Gambiza 1, achiteverwa nemwanakomana wake Chivese uyo akaita Gambiza 2, achiteverwa nemunun'una waNeshangwe ainzi Zinyemba uyo akaita Gambiza 3, mushure maZinyemba kunouya vanakomana vaChivese vachiita vana Gambiza 4 kusvika kuna Gambiza 8, Gambiza 9 aiva Gambiza Svinurayi weimba yambuya Dondi mukadzi wa Neshangwe, Gambiza 10 akava wokupedzisira aiva Gambiza Mugwenhi uyo akatonga kubva 1895 kusvika ushe hwake hwakaguma 1908 nekuti panga paita kusawirirana mudzimba dzaana sinyoro. Vakadzi vanaSinyoro vanonzi ana Gambiza kubva kuna amai va Muroro.

Mune dzimwe nguva kunozvarwa vana vanokura vachiita vhudzi dema rakaita chizerere kana kuti rine ma”Curls” Rudhende rwavo bvudzi repagotsi rinoyerera kana rakura. Uye vane maziso akaita green kufanana nemaziso evarungu. Imwe nguva izvi zvinotaridza kuti vana ava vane madzitateguru varungu vakabva kuMhiri kwemakungwa.

Midzi ne Mapazi emba yavaNjanja vana Moyo sinyoro (Genealogy and family tree)[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kuvheya (Muputukezi) na Gambiza (Munyungwe) vakazvara Muroro

Muroro na Mushawashe vakazvara Mesama na Gotoriberi (vamwe vanomuti Gotowi)

Mesama akazvara Chidembu na Masoka

Masoka akazvara Neshangwe, Zinyemba na Mugari

Neshangwe anonzi aiva nevakadzi 35, asi vashanu ndovaiverengwa semadzimai ake chaiwo, vanakomana vemadzimai aya ndivo vatambidzana ushe hwechi Gambiza zvichienderana netsika dzechivanhu chechi Shona. Madzimai ake kubva kumukuru tichienda kumudiki vanoti: Chinanga, Chikono, Charwe, Dondi, na Marudya.

Chinanga akazvara Gwekwerere. Gwekwerere akaita makunakuna ndokurara nomumwe wemadzimai ababa vake mudiki asiri pane vadomwa pamusoro apo, ndokubva anzi haafaniri kufa akagara ushe hwechi Gambiza. Izvi zvakabva zvatambanudzwa kuvana vamai vake vose, uye mai vake vakatanga kusaverengwa semudzimai washe, izvo zvakaita Chivese azoita Gambiza 2, iye ari mwana womudzimai wechipiri.

Chikono wakazvara Chivese, Makumbe na Mudavanhu.

Charwe akazvara Munyimi na Nzuwa

Dondi akazvara Zhakata, Tambaoga, Chigondo, Mutengwa na Chitsunge

Marudya akazvara Murevanemwi.

Madzishe Echi Njanja ariko mazuvano[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
Chief Neshangwe

Kuna Ishe Neshangwe avo vanotonga Nzvimbo dziri muChikomba district, nedzimwe dziri mu Chivhu district, nemu Wedza district. Ushe uhu haufaniri kufananidzwa nehwa Neshangwe wekutanga uyo aiva ishe Gambiza. Ushe hwaneshangwe wamazuva hwakabuda mumba ma Charwe memudzimai waNeshangwe wechitatu kuburikidza nevana vakazvarwa nemwanakomana waCharwe ainzi Munyimi. Ndozvakapa kuti ushe uhu hutange huchinzi Munyimi ndokuzoshandurwa hwava kunzi Neshangwe.

Mabhuku anotevera ari munyika yashe Neshangwe: Gwena riri kuUnyetu, Magangara or Wiltshire farm, Chimowa, Mutara, Makuvaza, Masokovere,Fata, Mudawarima, Mutoredzanwa, Gonyora, Makamure. Other areas include Dzike, Zinatsa, Munyimi, Govere nemamwewo.

Chief Makumbe 

Mazuvano kuna Ishe Makumbe anonzi Senator Shepherd Chengeta Ngundu akazvarwa 6 Kukadzi 1966, uyo akagadzwa musi wa 8 Kurume 2018. Sekuru vake Ishe Ngwuwaya Ngundu ndivo vakava Ishe Makumbe vekutanga vakatonga kubva gore ra 1902 kusvika 1918. Munguva yaitonga sekuru vake Gambiza 10, ainzi Gambiza Mugwenhi aitongao kubva 1895 kusvika 1908. Dunhu ra Ishe Makumbe riri munzvimbo ye Buhera, uko kune Makomo akafanana ne Mharabwe, Gombe, Jerahanga ne Dandavare. Masadunhu ashe Makumbe anosanganisira Marume, Mbundire,Gwebu, Garamwera na Chapwanya.


Vanhu vanozivikanwa vaigara munyika yamakumbe vanosanganisira vaimbova Mutungamiri weHurumende vaMorgan Tsvangirai vaibva kwa Humanikwa village uye mai vavo vari vachinjanja mwana wekwa Sinyoro, uye muzvinafundo vaJohn Makumbe vaibva kwaMatsveru village vaive Sinyoro zvekare, uye Headmaster Makumbe (Manassah Makumbe baba vaTodd Makumbe) vanobva mudhunhu rekwamakumbe ndivo Shabhuku Makumbe. Nevamweo vane mazita makuru.

Ushe hwa Makumbe ndihwo hwega ushe hwava Njanja hunotenderera nadzimba (rotating house system). Hushe hunotenderera mumba mevanakomana vaMakumbe gumi nevana, 14, vanotevera: Mugwehi, Ngombeyarara, Marume, Chapwanya, Matsveru, Diki, Mbundire, Garamwera, Zenda, Ruzengwe, Ngundu, Hwata, Mutirwara, na Manjengwa.

Mabhuku anotevera ari mumusha waMakumbe/Todd: Zenda, Makombe, Machingura, Kanda, Chatikobo, Chipadza, Matimba, Muzavazi, Mutasa, Humanikwa, Ngombeyarara, Munyimi, Mukodza, Toringepi, Tsodzo, Marume, Chatindo, Marume, Mbwende, Chawatama, Manjengwa, Gaura, Mudzingwa, Ngundu, Matsveru, Mugwara, Mukono, Chapwanya nemamwewo.

Chief Chitsunge 


Hushe hwaChitsunge hwaka zendama muimba mambuya Dondi. Uye ishe Chitsunge vane nzvimbo diki pana Makumbe na Neshangwe.

Mabhuku anotevera ari munyika yashe Chitsunge: Machacha, Chinhoro, Shonhiwa, Mudenhe, Mhundwa, Kutamakufa, Ndengu, Gaza nemamwewo.

Chief Chivese 


Hushe hwa Chivese huri mu Chikomba district sehwa Ishe Neshangwe uye hunoratidzika kuva nenzvimbo duku kudarika ushe hwose hwava Njanja.

Mabhuku anotevera arimunyika yashe Chivese: Guvakuva, Mutemachani, Gonamundiro, Chikwature, Musumha  nemamwewo.

Mazita eMhuri[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mamwe mazita emhuri anosanganisira:

B

Badza, Bozho, Bungu, Bunhu,

C

Chapwanya, Chiyaka, Chatindo, Chibvongodze, Chidyamatamba ,Chidyiwa, Chigondo, Chikova, Chimbani, Chimombe, Chimufombo, Chinhengo, Chinjekure, Chirairo, Chirinda, Chitondo, Chitongo, Chitsunge, Chitura, Chivese, Chivhunduko, Chinyauro, Chigovanyika ,

D

Dakwa, Dandajena, Dangwa, Denenga, DeSouza, Diki, Dororwa, Dzorai, Dhikinya

E

F

G

Ganye, Garamwera, Gasa, Gaura, Gogo, Gumunyu, Gunda, Gwatidzo,Guvheya

H

Hukutu, Hureva, Hwata

I

J

Jaja, Jemwa, Jengwa, Jange,Jairosi

K

Kanyemba, Kashora, Kutinyu, Kuvaoga, Kuvarega, Kwenda

L

Lobo,

M

Mabhodha, Machadu, Madzana, Madzeninga, Madzivire, Mafukidze, Magoto, Makumbe, Manjengwa, Manyere, Mapete, Mapiye, Marangarire, Marenga, Marume, Masamha, Masendu, Masinire, Masokovere, Masomera, Matangira, Mationi, Matorera, Matsveru, Mbundire, Muchiriri, Mudzingwa, Mufudza, Mugadzaweta,Musiwapinda , Mugwenhi, Mugwira, Mukanganise, Mukono, Mukungurutse, Mumanikwi, Mumbwere,Mumvuri, Munangwa, Munemo, Munetsi, Munjanja, Munyimi, Mupanduki, Mupatsi, Muroro, Murwisi, Musasa, Mushipe, Musoni, Mutede, Mutengwa, Mutirwara, Muzembe, Mvura,

N

Neshangwe, Njengwa, Ngombeyarara, Ngundu, Nzuwa,Nooreka

O

P

Pasipamire, Petegumbo,

Q

R

Ranga, Ribeiro, Rambanapasi, Rugwete, Rupiya, Ruzario, Ruzengure, Ruzengwe,

S

T

Taderera, Takunda,Takawira, Takwanhira, Tambaoga, Toringepi,Tondohori,Tonho,Tinotenda,

U

V

Vhiyazhero, Vurayai,

W

X

Y

Z

Zenda, Zhakata, Zinyemba, Zvavamwe,

nemamwewo mazita anongofanana nedzimwe mhuri dzeChitema.