Shato
From Wikipedia
Shato (Python in English) inyoka ine makamba machena nematema inowanikwa kuno kuAfrica; Australia neAsia. Kune marudzi masere (7) eshato. Shato haina huturu; inouraya mhuka nokudzimonerera yodzisunga kusvika pakutadza kufema uye kutyoka mapfupa.
Magariro[chinja]
Shato inowanikwa muAfrica mudunhu reTropics kuri kuchamhembe kwegwenga reSahara. KuAsia inowanikwa zvichibva kuNepal, India, Pakistan, neSri Lanka, inowanikwawo zvakare ku, Myanmar, kuchamhembe kweChina, Hong Kong, Indonesia nePhilippines.