Kushambadza

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuShambadza)
A Coca-Cola advertisement from the 1890s

Kushambadza (Advertising; selling; hawking) zvinoreva kusvitsa mashoko kuvanhu pamusoro pechiitiko chichaveko nechinangwa chokuti vanhu vazive vagosvika pachiitiko ichi. Kushambadza kunoitwa kuti vakwezve vatengi vezviri kutengeswa.

  • Rupawo (trademark) chinyorwa chinotaridza zita rekambani kana mashoko ekushambadza.
  • Kutetedza (advertise, as being for sale) izwi iri rinotaurwa kuKalanga.
  • Tundu kana mitundu (possessions; goods; merchandise)
  • Mushambadzi (trader) munhu anofamba nenhumbi achidzitengesa.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hugaro paSherufu (Shelf Life) zvinotaurwa pamusoro pezvinhu zvinotengeswa zvakadai sezvidyo kana mishonga kuchireverwa nguva yazvinokwanisa kugara zvisati zvashata kana kuwora. Sokuti chingwa chine hugaro pasherufu kwemazuva maviri, chakadarika ipapo chinenge chashata kunze kwekunge chakachengetwa mufiriji. Mafuta ekubikisa ane hugaro pasherufu kwemwedzi yakati kuti asati ashata. Mune dzimwe nyika nguva yehugaro pasherufu inotarwa nemitemo yenyika.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLenje vanoti musambashi (trader) vachireva mushambadzi. VaLenje vanoti wusambashi (n. trade) vachireva hushambadzi.
  • VaTonga vanoti busambazi (business, sales) vachireva hushambadzi.
  • VaZigula vanoti kusambaza (spread out, spreading out), kushambadza. VaZigula vanoti kusambaza (propagate, spread out, promote, make famous) kureva kushambadza.
  • VaZigula vanoti kusambazika (spread out) vachireva kushambadzika.
  • VaZigula vanoti Chisuwahili chasambazika mwe Afrika - (Swahili is spreading out in Africa).

Mazita ari Pedyo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]