Sekuru
From Wikipedia
Contents |
Baba vaBaba [chinja]
Shoko rokuti sekuru rinoreva murume anova baba vababa vako.
Baba vaMai [chinja]
Baba vamai vanodavidzwa kuti sekuru.
Hazvanzi yaMai [chinja]
Sekuru ishoko rinoshandiswazve kureva hazvanzi, kana kuti hanzvadzi, yaAmai vakakubereka.
Mwana weHazvanzi yaMai [chinja]
Sekuru ishoko rinorevazve mwana wasekuru, hazvanzi, kana kuti hanzvadzi, yamai vako.
Mutogwa Mukweguru [chinja]
Sekuru, pamutauro wakareruka rinoshandiwa kureva mutorwa wechitana asanganwa nayewo zvake mukufamba kana mushandi ava wechikuru pasina humwe hukama hungadeedzwa.
Vadzimu neN'anga [chinja]
Shoko rekuti sekuru rinoshandiswazve kusheedza n'anga kana mudzimu iri pasvikiro.