Sasauka

Kubva Wikipedia

Muzvidzidzo zvinoti: fundoyetsimba netaranyika, kusasauka (Evaporation) zvinoreva kushanduka kubva pakuva mutuvi (liquid) kuenda pakuva mupfunga wemvura (water vapour). Somuenzaniso, mvura inosasauka kubva munzvimbo dzayakaungana senzizi, nyanza, negungwa. Mvura inosasauka kuburikidza nekupisa kwezuva, uye kupeperutswa nemhepo.

Kusasauka kwemvura rimwe danho paNhevedzwa dzeMvura. Vamwe vatauri vanoti kukwaika kwemvura.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kwakaidza tumvura twomugungwa kuti uwane munyu.
  • Mvura yomu tsambakodzi yati kwaka.

Kurerutsa Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti oku-puira (n. evaporation) vachireva kupwira kana kusasauka. Mamwe mazwi puira (v.i. evaporate) vachireva kupwira kana kusasauka.
  • VaHerero vanoti puira (break down, become weak, sickly; waste away; emaciate; languish) vachireva kuperezeka.
  • VaHerero vanoti puira (fail in strength; to decline; become less or weak; sink as a river) vachireva kupera simba.
  • VaHerero vanoti puira (sink as a river; decline, fail, vanish, disappear, diminish, wane) vachireva kuderera.
  • VaHerero vanoti ondyombo ya puire (the well is failing; is drying up) vachireva tsime rapwa.