Sadza

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Sadza nemuriwo

Sadza ndicho chikafu chikuru muZimbabwe chinobva muchibage chakagaiwa chotipa hupfu uhwo hunozobikiswa sadza racho. Sadza rinogona kubikwa nehupfu hwezviyo. Kana rabikwa kudai rinenge ravakunzi sadza rezviyo. Rimwe izwi rinoreva sadza asizve richitaridza kukosha kwesadza muupenyu hweVaShona nderinoti jenamuponesi.

  • Anodya sadza anonokora musuva osvinyanga musuva uya, oseva muusavi kwave kuzokabira mukanwa. Kusvinyanga zvinoreva kuumba sadza muchanza uchidzvanya kuita kabhora kadoko kanokabirika mukanwa. Sadza rapakurwa mundiro rinonzi mukonde wesadza; kana razonyanya kukura ronzi zimukonde kana kuti gonde resadza. Iro izwi rokuti Negonde rikazova zita remhuri uye chidawo chedzinza muZimbabwe.

Midziyo Nezvinhu Zvinoshandiswa Kubika Sadza[chinja | edit source]

  1. Hari, shambakodzi
  2. Musika
  3. Mugoti
  4. Mapfihwa
  5. choto
  6. Huni
  7. Moto
  8. Ndiro
  9. Chibhako

Zvidyiwa Zvinodiwa Pakubika Sadza[chinja | edit source]

  1. Hupfu hwechibage kana kuti hwezviyo
  2. Mvura inoenderana nehuwandu hwesadza rinodiwa pakudya
  3. Usavi: nyama, madomasi, nemurivo
  4. Zvekurunga usavi: munyu

Mabikirwo eSadza Rechibage[chinja | edit source]

Chekutanga kukwatisa mvura mupoto yesadza kana yakwata unoisa hupfu hwakafanira mukomichi kana mundiro wosanganisa nemvura yakatonhora wokurunga.Wadaro unozvidira mupoto yesadza wokurunga nemugoti kusvikira zvakwata.Kana zvakwata unombozvisiya kwechinguva zviri pamoto.Wadaro unotora hupfu hwako uchiisa mupoto yesadza uchibika nemugoti kusvikira hupfu hwako hwanyatsobatana.Wadaro unotora mugoti womona uchiitira kuti sadza risave nemapundu.Unogona kumborisiya kwechinguva kuti rinyatsoyibva.Wapedza kudaro unotora mugoti womona wochipakurira vanhu .

Mabikirwo eSadza Rezviyo[chinja | edit source]

Mabikiro eSadza Emazuvano[chinja | edit source]

Nhepfenyuro yedzimudzangara yeZBC yaimbova nechirongwa chaikurudzira vateereri kuti vatumire zvinyogwa zvinodunzira mabikiro esadza emazuvano.

Imwe nzira yakabuda pachirongwa ichi ndeyekuti apo sadza richikwata, mubiki anobva aisa cheese yakaitwa mafufu. Mubiki anobva akodzonga kuti cheese inyungudike yobva yavhenga nesadza rinokwata. Mushure mekuita izvi, mubiki anobva abika sadza semabikiro atinongoriita anozivikanwa nemubiki wese. Sadza rinobuda apa rinonaka chaizvo!

Zvivakamuviri Zvinowanikwa Musadza[chinja | edit source]

  1. Zvipasimba (energy)
  2. Shuga (carbohydrates)
  3. Mafuta (fats)
  4. Zvivakanyama (Protein)
  5. Imvu rinodiwa kuvaka muviri (dietary minerals):
    1. Zvivakamakodo (Calcium),
    2. Simbi inowedzera ropa (zviparopa) (iron)


Tsika[chinja | edit source]

  • Nhamo yemumwe hairegererwi sadza.
  • Bure kana nhoto (Sadza cooked unsatisfactorily because of insufficient heat in the final stage of cooking) apa kureva sadza raburwa pamoto risina kushinyira.