Rukweza

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Grain millet, early grain fill, Tifton, 7-3-02.jpg

Rukweza (Millet) idzinde rinenge huswa rinembeu dikidiki dzinodyiwa sechikafu uye dzinde iri rinoshandiswa sechikafu chezvipfuyo, nokubikiswa sadza nedoro. Rimwe zita rinoshanda nderekuti zviyo,njera.

Muno muAfrica rukweza rwakawandira kuNigeria, Niger, Mali, Senegal neBurkina Faso. Rukweza runorarama munzvimbo dzinopisa dzisina mvura yakawanda, runorarama makore eshangwa/enzara.