Rusengedzano

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRuchichinuko)

Pachinyorwa chino shoko rokuti ruchichinuko rusengedzano (convection) riri kushandiswa kuturikira mafambiro anoita madziya mumvura iri pachoto nenzira inoti madziya anosimuka pamwe nemvura yakadziyiswa pagaro repoto kuenda kumusoro kwepoto kunodziya zvishoma. Nekune rimwe divi mvura yakatonhora iri pamusoro inonyura kuenda pasi; ipapo inodziyiswa yobva yasimukawo zvichingodaro. Mafambiro aya anokonzerwa nokusiyana kwehuduma hwemvura dzine hujoto hwakasiyana.

  • 1. Mvura yakadziya ine huduma hwakaderera saka inonyenguka kuenda kumusoro.
  • 2. Mvura yakatonhora ine huduma hwakakwira saka inonyura kuenda pasi.


Gute romweya wakatikomberedza rinotaridza mafambiro emadziya nemutowo werusengedzano zvakare . Kana muri mudzimba mweya unodziya unokwira kuenda kudenga kumarata, mweya unotonhora uchidzika pasi panogara vanhu. Ichi ndicho chimwe chezvikonero zvinoti dzimba dzivakwe sirin'i (ceiling) kuitira kuchengata mweya unodziya muchikamu chemba chinogarwa nevanhu kwete kudenga kumbariro kusina anogara kana kuvatako.


Kupiwa kwezita[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Izwi rokuti rusengedzano rinotodzana nerokuti kusenga rinoreva kutakura kuendesa kune imwe nzvimbo - to transport.