Ruboshwe

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo Pimanyika, ruboshwe, munzere kana runzere (left-hand in English) zvinoreva divi rinotarisa kuChamhembe kana munhu akatarisa kuMadokero. Divi iri ndiro divi rine moyo wemunhu. Vanhu vanoshandisa ruwoko rweruboshwe vashoma pane vanoshandisa rudyi. Kunoitawo vamwe vane chipo chekugona kushandisa zvose ruboshwe nerudyi.

Verudzi rweChiShona vanokoshesa kumhoresana neruwoko rwerudyi; vamwe vanokoshesawo kudya vachishandisa ruwoko rwerudyi. Hazvitariswe zvakanaka kana munhu akagashira chinhu noruwoko rweruboshwe. Vabereki vanoedza napose kugombedzera vana kuti vashandise rudyi pakumhoresa, kudya, nokugashira. Makarekare vadzidzisi vaiedza napose kukurudzira vana vechikoro kuti vashandise ruwoko rwerudyi pakunyora nokuita mamwe mabasa.

Asi kune avo vane ruboshwe rwakasimba kwave kuita vamwe vanoshandisa ruboshwe irworwo kudya nokuti kwavari ndirwo rwune simba.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaTumbuka vanoti kumazere (n. left) vachireva kuruboshwe. VaDigo vanoti chimotso (left hand) kureva ruboshwe. Mamwe mazwi: botswe (weakness) kureva kusasimba.
  • VaZigula vanoti chimoso (left hand) kureva ruboshwe. VaKabwa vanoti obhumosi kana okumosi (left hand; left direction) kureva ruboshwe.
  • Baila vanoti chimonswe (n. lefthand) vachireva ruwoko rweruboshwe. VaZigula vanoti chimoso (left hand) kureva ruboshwe.
  • MaZulu vanoti isinxele (left hand) kureva runzere kana ruboshwe. Mamwe mazwi: ubunxele (left-handedness). Ukunxele (left hand direction) kureva kurunzere.