Spidhi yepaGonyo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuRadian pa mineti)

Spidhi yepaGonyo (angular velocity) unotaurwa kana chinhu chiri kutenderera pamunyonga kana kuti pachikamu chedenderedzwa. Pakadai chiumbwa ichi chinenge chisingatize kubva pakati pedenderedzwa panova ndipo pane akiso yekutenderera. Saka muchacha wepa gonya unokwanisa kupimwa kuchitevedzwa kuti chatenderera gonya rakakura zvakadii.

Muchacha pima negonya unopimwa nechiyero chinonzi radian pa mineti uye unonyorwa uchiratidzwa nevara rinoti omega (ω, kana kuti Ω).


Kujekesa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Spidhi yepaGonyo unoshandiswa kunyanya panotaurwa kuti muchina inotendera pamutanda weakiso inomhanya zvakadini. Michina iyi inosanganisira: injini, gwenya, vhiri nemimwewo.

Somuenzaniso kana injini ichimhanya kunotaurwa Spidhi yepaGonyo yeinjini unopimwa nechiyero chinonzi dendera pa mineti. Injini inokwanisa kumhanya nemuchacha wepa gonya unosvika 2000 dendera pa mineti kana kuti 2000 revs per minute. Zvakakosha tionesane kuti dendera roga-roga rinomirira 360o, saka dendera pacharowo rinopima gonya.