Pimagonyanhatu
Muchidzidzo Pimanzvimbo, pimagonyanhatu chidzidzo chinoongorora hukama huripo pakati penhambwe dziri pamativi nemagonya egonyanhatu. Kukura kwakaita gonya kunodudzwa negovano dzinoti sine, cosine, uye tangent
Govano (ratio) izwi rinoreva hukama huripo pakati penhamba mbiri dzine nzenda (dimensions) dzakafanana. Govano inonyorwa seizvi (a:b), izvi zvichitiudza kuti nhamba yechipiri inopinda kangani mune yokutanga.
[chinja] Govano dzePimagonyanhatu
Ichi chidzidzo chononzi trigonometric ratios kuEnglish. Chidzidzo chino chinotaura pamusoro pehukama huripo pakati penhambwe dziri pamativi nemagonya egonyanhatu. Chikamu ichi tinoshanda negonyanhatu yemutwi tichidzidza nezve govano dzinoti tangent, sine uye cosine. Govano idzi dzinoshandiswa kuti tizive mativi uye magonya ane hukuru hunenge husinga zivikanwe.
Kuti tipinde muchidzidzo cheGovano dzePimagonyanhatu tinotanga tadudza mazita anopiwa kumativi egonyanhatu. Mativi matatu anopiwa mazita zvichibva pakuti tiri kushanda negonya ripi regonyanhatu.
- Divi rakabatana negonya ratiri kushanda naro rinonzi hwaro (adjacent kuEnglish),
- Divi rakatarisana negonya ratiri kushanda naro rinonzi darisanwa (opposite kuEnglish) ; iri divi rakaita mutwi nehwaro.
- Divi guru rine nhambwe yakareba kupfura mamwe rinonzi muzendami (hypotenuse) nokuti rinoita sokunge rakazendamiswa rakatsigirwa kuhwaro nedarisanwa.
Sine yegonya igovano yenhambwe dzedarisanwa nemuzendami. Sine ine tsazaniso inoti:
Sine = darisanwa/muzendami
Cosine yegonya igovano yenhambwe dzehwaro nemuzendami. Cosine ine tsazaniso inoti:
Cosine = hwaro/muzendami
Tangent yegonya igovano yenhambwe dzedarisanwa nehwaro. Tangent ine tsazaniso inoti:
Tangent = darisanwa/hwaro