Nyungudika

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNyungurudzi)

Kunyungudika (ku Chingezi: dissolving) kana kunyunguduka zvinoreva kutsakakatika kwechiro mumutuvi kana zviviri zvichinge zvasanganiswa. Sokuti shuga inonyungudika mumvura kana mukaka. Chinhu chinzonzi chanyungudika kana chimiro chokutanga chisisaonekwe, zviviri zvasangana kuita chinhu chimwe chine chimiro chisingashanduki munzvimbo dzose.

  • Chinyungudutsi, (solvent) ndicho chacho chiri kunyunguditsa chimwe. Sokuti panosangana mvura neshuga, mvura ndiyo ngungurudzi yacho.
  • Chinyungudutswa (solute) ndicho chacho chiri kunyunguduka. Panosanganiswa munyu nemvura, munyu unenge uri chinyungudutswa chacho.
  • Munyungu (solution) zvinoreva musanganiswa weicho chinokonzera kunyungudika neicho chacho changungudika.

Chiitiko chokuti godo rinoshanduka kuva mutuvi zvichitevedza kuiswa pamoto nokukwira kwehujoto chinonzi kunyauka (melting).

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kumeketeka (disintegrate by disssolving as a clod of soils in water) apa kureva kumwakatika mumvura sezvinoita vhinga mumvura. Kumeketedza - apa kureva kukonzera kuti chiro chimwakatike.
  • Kunyongodeka (dissolve completely in a liquid).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaDigo neVaTaita vanoti nyungu (pot, water pot) kureva hari kana chirongo.
  • Kikabwa vanoti -geya (melt; dissolve) kureva kunyungidika.
  • Lunyoro neSwahili vanoti nyungu (clay vessel, cooking pot) kureva hari.
  • Tiriki vanoti inyungu (n. pot used for cooking or storing grain) kureva hari inoshandiswa kubika kana kubanga zvirimwa.
  • Chewa inoti nyunguduka (to be broken up, dissolved). Bushong inoti tuta, anga kana angala (v. dissolve).