Nyemwerera
From Wikipedia
Mukadzi wekuNepal achinyemwerera
Shoko rokuti kunyemwerera (Smile in English) rinoreva kutaridzika kwekufara kunoratidzwa munhu akavhura muromo mazino achioneka.
Munhu anonyemwerera achiratidza kufara, paanosangana nemumwe waanoziva kana waanofarira. Kunoitawo vamwe vanoshanda munzvimbo dzavanodiwa kunzi vagare vachinyemwerera - sevaya vanobata mabasa ekubatsira vanhu mundege.
Mamwe mashoko ari pedyo nokuti kunyemwerera ndiwo anoti: kusekerera, kugegedzera, kuzhinya.
Tsika [chinja]
- Zino irema rinosekerera warisingade.