Nyamuragira

Kubva Wikipedia

Nyamuragira igomo rine chikwatamabwe muMakomo eVirunga kuDemocratic Republic of the Congo. Chikwatambawe ichi chiri 25km kuMaodzanyemba eNyanza Kivu.

MuAfrica Nyamuragira ndicho chikwatamabwe chinonyanya kutubuka, chakatubuka kansvika ka40 kubva mugore ra 1885. Kunze kwechitubu chinoonekwa pachisuvi pegomo iri kunoitawo zvimwe zvikwatamabwe mumativi egomo iri zvinokwanisa kurarama makore mashoma. Somuenzaniso Murara chikwatamabwe chakararama kubva 1976-1977.

Kutubuka kwa2010[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Rungwanani musi waJanuary 2, Nyamuragira akatanga kufashama achiburitsa mabwe anokwata. Zvinozni hakuna misha yevanhu pedyo negomo iri asi vatariri vemasango vanotyira kuti zvimupanzi zviri pedyo zvingakuvadzwa. Zvinonzi kuchamhembe kwemakomo eVirunga kune miasha yevanhu inotyirwa kuti rimwe gore ingafushirwa.