Nhova

Kubva Wikipedia

Nhova (kureva fontanelle) kana chipande inhongonya yevana vacheche. Inenge yakapfava ichitaridzika pakusava ne bvupa redehenya. Nhova inotendera kuti musoro wemwana uwumbike, kudzoka, nokudzvanyika panguva yokuzvarwa; izvi zvinobatsira kuti mwana abude pamukana waamai zviri nyore. Mapfupa emusoro anosimba kusvika nhava yavhara pamwedzi gumi nemisere kusvika makumi maviri nemana (18-24). Vamwe vanoti nhongonya.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vamwe vanotenda kuti nhova inofanirwa kurapwa nemishonga inozorwa pamusoro penzvimbo yacho.
  • Mazuva ano kwave nevazhinjiwo vasisashandise mishonga yenhova, vanotenda mukupa mwana mvura yekunwa yakawanda kuti muviri wake usarase mvura yakawanda.

Mashoko Anotodzana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mashoko okuti chipande kana mubandirwa angagona kuzoshanda kuturikira chinonzi capital kuChingezi - apa kureva mari yekuvamba bhizinisi. Capital means several things: highly important; first rate; excellent; chief; major; principal; prime; primary etc.

Mitauro ye Chibantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti nova (v. Soften, work soft). Mamwe mazwi: novoza (Soften skin, bray hide; work soft) vachireva kupfavisa dehwe.
  • MaZulu vanoti n'ovo (ideo. of softening, braying skin).