Nhopi

Kubva Wikipedia

Takatarisana neKubika kweZimbabwe (Zimbabwean Cuisine), nhopi (mashed pumpkin) kudya kunobikwa nemanhanga anofashaidzwa kusvika pakuibva achizopwanyiwa kuita bota rakakora. Vanobika nhopi vanotevedza nzira iri pasi iyi.

  • Cheka nhanga kuita zvidimbu zvidiki.
  • Buritsa mhodzi dzaro nhanga.
  • Menya ganda rekunze kwenhanga rachekwa uchishandisa banga.
  • Cheka zvidimbu zvawatanga nazvo kuita mwero ungaita 3centimetres.
  • Fashaidza zvidimbu zvenhanga izvi kusvika pakuibva. Kuibva kunoonekwa nokupfava kunoita nhanga racho.
  • Chikuna mvura ugosiya manhanga chete mupoto.
  • Pwanya manhanga aya nemugoti wochipa vanodya.

Vamwewo vanosanganisa manhanga apwanyiwa aya nedovi kushandura mukanwa.

Tichiri pakubikwa kwemanhanga zvakanaka kuti tiyeuchidzana kusarasa mhodzi dzemanhanga. Mhodzi idzi dzinowomeswa dzananikwa pazuva dzochizokandwa murwenga kuti dzikangwe. Chitaurirwa mbare dzegotsi, mhodzi dzemanhanga dzakakangwa dzinonaka samare. Mumwe musi munotoseva sadza nadzo mukonde ukapera vanhu vakaguta.