Nhetemwa

Kubva Wikipedia

Nhetemwa (kureva tremor muChingezi) zvinoreva chiitiko chokunge ruwoko rusingagone kudzikama kana munhu aine chaakabata. Ruwoko urwu runoita sorwunodedera kunyangwe munhu asiri kutonhorwa. Kana munhu ane nhetemwa akabata kapu ine mvura imwe nguva mvura iyi inenge ichirasika nokuda kwokuti ruwoko runenge ruchidedera. Nhetemwa inonyanya muvanhu vakura uye inokwanisa kuuya nokurwara.

Nhetemwa inowanikwa muvanhu vane chirwere che jenjazi pakati pezvimwe.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana munhu achinzi haana nhetemwa kureva kuti haazezi kuita zvinhu zvihombe, ane chivindi pakuita zvinhu zvinotyiwa nevazhinji.