Nhavani (pimanyika)

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti nhavani (ku Chingezi: dendrites) riri kushandiswa pano kuturikira chiumbwa chine chimiro chinenge bazi remuti chinowanikwa muzvidzidzo zvakasiyana zvinosanganisira hurapi uye kunyautswa kwesimbi. Pamuviri pemunhu, aya anonzi nerves kuChingezi ane nhavani kumucheto kwayo - apa kureva kuti anoita mhaswa dzinotambarara semapazi emuti. Pakuongorora kupora kunoita simbi mushure mokunge yanyungudika yozogwamba zvakaonekwa kuti tsanga dzehatomu dzinokura dziine chimiro chinenge mapazi emuti zvakare - zviumbwa izvi zvinonzi dendrites kuChingezi ndizvo zviri kuturikirwa senhavani pano.

Shoko rokuti nhavani rinoreva mapazi angava emuti kana ruva.

Mamwe mapeji ekutarisa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]