Nhare

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuNharire)

Nhare, chamo, Chipotero kana rusvingo (Fort, refuge, stronghold, large cave) inzvimbo yakavanzika inoshandiswa senzvimbo yekuhwanda panguva yokunge vavengi vachitevera vachirwisa. Nhare chingava chivakwa chakasimba chokuti muvengi haakwanise kupinda kana kuti ringava bako rokuti muvengi haazive pariri.

  • Kuhwara (to take refuge in; to hide) apa zvichireva kupotera munzvimbo yekuhwanda.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Psalm 16:1, Ndingwarire, A Mwari, ngokuti ndinohwara mwouri: Keep me safe, my God, for in you I take refuge. (kubva muBhaibheri reChiNdau).
  • Psalm 16:1, Mambo Mwari ibuwe rangu, norusvingo rwangu: The Lord is my rock, my fortress....
  • Munhu nomukadzi wake vakahwara pakati pemiti yomumunda: so the man and his wife hid themselves from the presence of God, among the trees in the garden. Genesis 3:8.
  • Ndazwa izwi rako ndiri mumunda, neni ndatya, ngokuti ndaiya ndiri mutitinini; neni ndahwara: I heard your voice in the garden, and I was afraid, because I was naked, so I hid myself. (Genesis 3:9 [[Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaDigo vanoti ngome (ledge high on a cliff face; carved building - literally. a building carved out of the rock; fortress).
  • VaGiryama vanoti uringo (n. watch tower) vachireva nharire. VaZigula vanoti ngome kana chamba (n. fort).
  • VaGulu vanoti idungwe (n. tower; upper room).
  • Kikuyu inoti rothingo rua nyumba (n. wall of a house).