Nhanzvi

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Nhanzvi zvinotaura tsika yokuti murume nemukadzi vano"dyana" kana kunanzvana nhengo dzesikarudzi pabonde. Iri ishoko rechimanjemanje, uye tsika iyi haisiri tsika yakapambira muruzhinji rwevanhu - zvikurusei vanhu vezera revakuru.

Zvinonetsa kuziva kuti tsika iyi yakatanga rinhi. Chifungidziro ndechekuti tsika iyi iri kufambiswa nekuwanda kwaita "internet" nezvinowanikwapo zvema pono.

Nyanzvi dzehutano dzinoti cancer yepahuro yakawanda kuvanhu vanotevedza tsika iyi. Zvinyorwa hazvitaure kuti cancer iyi inowanda kune vanotamba pabonde nevanhu vazhinji here kana kuti kune vose.


Zvinotaridza sekuti chikamu chevanhu vanotevedza tsika iyi chakawandira kune vechidiki. Izvi zvinoonekwa muzvinyorwa zvinowanikwa panhaurirano dzepa internet dzinosanganisira Facebook, nema "forum".