Nhambwe yasudurukwa

Kubva Wikipedia
Kufananidzwa kwenhambwe yasudurukwa nenhambwe njee.

Muchidzidzo fundoyetsimba shoko rokuti nhambwe yasudurukwa (displacement in English) rinotaura kupimwa kwenhambwe pakati pezvinhu kuchitevedzwa mutsetse wakatwasuka; apa hazvineyi nokuti nzira yafambwa pakati pezvinhu zviviri yakareba zvakadini. Panopimiwa nhambwe yasudurukwa kunopimwa kuchitevedzwa mutsetse wakatwasuka unobata nzvimbo yokutanga neyekuguma.


Kujekesa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Somuenzaniso kana kuchibviwa kuHarare kuenda kuVictoria Falls nemuchovha kazhinji kunotevedzwa nzira yokuBulawayo, ndokuzokwidza kubva Bulawayo kuenda Victoria Falls. Tikazvitarisa Victoria Falls iri kuMadokero kweHarare, asi rwendo urwu rwunomboenda kuchamhembe pedzezvo rwozokwira kuenda kuMaodzanyemba kwakadziva kuMadokero.

Kana kuchitevedzwa mutsetse wakatwasuka nhambwe iri pakati peHarare neVictoria Falls inokwana 551 km - iyi ndiyo nhambwe yasudurukwa iri kutaurwa pano - ndiyo nhambwe inoda kunoenzana neinofambwa nendege mudenga. Asi kana tichitevedza mugwagwa nokupoterera kwayo nhambwe iri pakati peHarare neBulawayo inokwana 441 km; nhambwe iri pakati peBulawayo neVictoria Falls inosvika 439 km. Saka zvinoreva kuti kana kwatevedzwa mugwagwa iyi kunofambwa nhambwe inokwana kusvika 880 km kubva Harare kunobata Victoria Falls.