Nhamba shangwa

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Thermometer iri kuratidza shangwa yehujoto pasi pa zero.


Muchidzidzo masvomhu, nhamba shangwa (negative number in English) zvinoreva nhamba iri pasi pa zero. Nhamba shangwa dzinoshandiswa kutaridza kurasikirwa nehuwandu kana kuderera kwehuwandu kusvika pakuva nechikwereti. Somuenzaniso kana paine chikwereti chezana remadhora chinonyorwa senhamba shangwa sezvizvi -$100.

Nhamba shangwa dzinonyorwa dziine chiratidzo chokubvisa pamberi. Somuenzaniso -3, huwandu shangwa hune huhombe 3; nhamba iyi inotaurwa ichinzi 3 pfocho - kureva minus 3.