Nhamba Ndandira

From Wikipedia
(Redirected from Nhamba pfacha)
Jump to: navigation, search

Mazwi anoti nhamba ndandira (positive number) ari kushandiswa pano kuturikira nhamba yakakura kudarika zero. Mazwi aya anobva pakuti nhamba dzemhando idzi dziri pamundanda wakarongeka zvakarurama kubva pana zero uchikwira zvichitevedza hukuru hwenhamba . Shoko reEnglish rokuti positive rinotodzana nerinoti positioned apa kureva kurongeka kwakaringana kwezvinhu. KuChiShona shoko rokuti kundanda rinoreva kuronga zvinhu zvakaringana nemwero wehukuru hwazvo. Nhamba ndandira inopangidzwa nechiratidzo + pamberi payo sezvizvi: +253. Asi mukutaura kwemazuva ose nhamba dzose dzisina chiratidzo chekupungudza - dzinoverengwa senhamba ndandira.

Nhamba iri pasi iri ndiki kuna zero inonzi nhamba ndemera iri zita richitodzana nezwi rinoti ndemo rinoreva maitiro ekatsika kekupokana nezviripo.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Ndandira rinoreva positive.