Nguva dzezuva

Kubva Wikipedia

Chinyorwa chino chinotaura pamusoro penguva dzezuva nematauriwo adzinoitwa muZimbabwe.

Mangwanani[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nguva yemangwanani ndiyo nguva yokutanga kwezuva kubva pakuyedza kwezuva vanhu vachimuka. Nguva iyi inotaurwawo nenzira dzimwe dzakasiyana. Kubata jongwe muromo kunotaura kuti munhu amuka rungwanani machongwe asati akukuridza. Mashambanzou inguva yerungwanani zvakare apo panoonekwa nzou dzichienda kudziva kunonwa mvura nokugeza miviri yadzo.

  • Mazambambira (Early morning, just after sunrise when dassies sun themselves) inguva yemangwanani Suva richangoyedza apo mbira dzinozamba zuva.
  • Chedza (first dawn).

Masikati[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Iyi inguva yokunge zuva rakwira zvichibva pana 12 masikati. Panguva iyi vanhu vanenge vokwazisana Masikati asi kwete maswera sei?. Rudziyakamwe inguva apo zuva rinopisa zvakanyanya; panguva iyi zuva rinenge riri pakati pedenga richirova nhongonya. Nokumwe kutaura nguva iyi inonzi yechikumura mabhachi.

Manheru[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nguva yemanheru inotaurwa kana zuva rarereka paye parinenge ronodoka. Apa vanhu vanenge vokwazisana manheru, maswera sei?. Nguva iyi inotaurwa nenzira dzimwe dzakasiyana. Rubvunza vaeni inguva dzekunge zuva ronodoka vanhu vabva kumabasa kana kumunda apo paisvika vanhu mumisha kwobvunzwa kuti ko ndiani mueni asvika pamusha uyo. Nokumwe kutaura nguva iyi inokwanisa kunzi madeko.

  • Madeko (evening at twilight).
  • kweru kana rukungurima (Twilight - morning or evening). Fanoenda kuchiri kweru: set off early in the first light.
  • kwerure (ideo of Spending whole night doing something).

Husiku[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti husiku rinotaura nguva iyo zuva rinenge radoka kwasviba, kusisina vazhnji vanobata basa kana kufamba. Nguva iyi inobatanidza apo vanhu vanenge varara ichinopinda murungwanani.

Ticharara kwaMutoko husiku huviri. We shall sleep two nights in Mutoko.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaNyungwe vanoti macibese (n. morning) kureva mangwanani.
  • VaNyungwe vanoti kweru (early afternnon) kureva pakuvamba kwemasikati.
  • VaGanda vanoti kikeru kana nakeru (early) vachireva kweru.
  • MaZulu vanoti nkwela (Dawn, clear; become light, bright) kureva kweru.