Mwedzi (mudenga)
From Wikipedia
Mwedzi (moon) mutumbi uri muchadenga unopoterera Earth kamwe pamazuva makumi maviri nemanomwe (28). Mwedzi une boterekwa rinopoterera Rinopasi uchiita dendera rimwe (1) pamazuva 28.
Nhevedzwa dzeMwedzi [chinja]
Jenaguru - (Full Moon) izvi zvinoreva mazuva apo mwedzi unenge uchiwonekwa ose. Iyi ndiyo nguva yaitambwa jiti.
Jedzana - (New Moon) aya ndiwo mazuva apo mwedzi unenge uri mudiki. Vakare vaitenda kuti mvura inonaya panguva yejedzana. Vamwe vatauri vanoti njedzana.
Mhindo - aya mazuva gumi okupedzesera panhevedzwa dzemwedzi. Mwedzi waenda kumhindo: the moon is waning.