Mutemo waPareto

Kubva Wikipedia

Mutemo waPareto chinyorwa chinodudzira hukama huripo pakati pehonzeri zvinokonzera zviitiko zvizhinji, nemusaka kana mhedzisiro dzinoonekwa pazviitiko izvozvi. Mutemo uyu wakanyorwa nemurume ainzi Joseph M Juran wekuUnited States of America uyo aiva nyanzvi yeruzivo rwehumaneja. Joseph M. Juran akatumidza mutemo uwu zita reimwe nyanzvi yainzi Vilfredo Pareto; murume uyu aiva chizvarwa cheku Italy. Mugore ra1906 Vilfredo Pareto akanga avarura chinyorwa chaiwongorora nhau yekugovewa kweivhu munyika yeItaly. Pareto akacherechedza kuti zvikamu zvevhu makumi masere kubva muzana (80%) zvakanga zviri mumawoko echikamu chevanhu makumi maviri kubva muzana (20%).


Mutemo waPareto unoti, pakuverengwa kwehonzeri nemusaka, zvikamu makumi masere kubva muzana (80%) zvemusaka inoonekwa zvinokonzerwa nehonzeri zvikamu makumi maviri kubva muzana (20%).


Zvichitodzana nemutemo uyu, kunonzi mumabhindauko chikamu makumi manomwe kubva muzana (80%) chezvinotengwa chinotengwa nechikamu makumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi - kureva kuti ruzhinji rwevatengi (80%) vanotenga zvjnhu zvine hukoshi hwunosvika 20%. Hapana chakakosha panhamba 80% asi kungoti ndiyo nhamba inonyanya kuwonekwa panocherechedzwa hukama hwezvikonzero nemhedzisiro pazvinhu zvizhinji.


Mimwe mienzaniso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvichitodzana zvakare nemutemo uyu hanzi hukama hunotevera hwakawonekwa mumabhindauko:

  • 80% yemari inobatwa (profit) inobva kuchikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi
  • 80% yezvichemo zvinouya zvinobva kuchikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chevatengi
  • 80% yenguva inomisa basa pamuchina inokonzerwa nechikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chezvinono zvinomisa basa.
  • 80% yezvinhu zvinotengeswa nechitoro zvinenge zvatengeswa nechikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chevashandi vanotengesa.
Muenzaniso weMutemo waPareto uchiratidza zvikonzero zvinoita vashandi vanonoke kubasa

Njodzi kumabasa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mutemo waPareto unoshandiswa muhushangazhi kunongedza njodzi dzinonyanya kukonzera kuti vashandi vasangane netsaona pabasa. Kuchitevedzwa mutemo uyu zvinoreva kuti chikamu chemakumi maviri kubva muzana (20%) chenjodzi chinokonzera tsaona dziri pachikamu chemakumi masere kubva muzana (80%). Saka vanodzidzisa zvokudzivirira tsaona pabasa vanonangana nokurwisa chikamu che 20% chenjodzi idzi dzinokonzera chikamu chetsaona chiri pa 80%. Izvi zvinorevawo kuti vanodzivirira tsaona vakasacherechedza njodzi dzinokonzera 80% yetsaona, vakangoti toita chero, zvichakaro itika ndezvekuti vacharwisana nechikamu chemakumi masere (80%) chenjodzi dzinokonzera tsaona dziri pachikamu chemakumi maviri (20%). Uku kureva kuti nguva nemari inoshnda pasina shanduko huru inobudapo.

Asi kana nguva nemari zvikashanda kurwisana nechikamu chemakumi maviri (20%) chenjodzi chinokonzera tsaona dziri pachikamu chemakumi masere (80%), panokwanisa kuwonekwa shanduko yakakura mukuderera kwetsaona.

Hupfumi Pasirose[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hanzi nyanzvi dzezvehupfumi dzakavarura gwaro mugore ra 1992 raitaura kuti chikamu che 82.7% chemari inotambirwa Pasirose inotambirwa nevanhu vane huwandu hwechikamu che 20% yevanhu vari Pasirose.