Huchenjeri
Shoko rokuti huchenjeri (Intelligence in English) rinoreva kugona kushandisa pfungwa. Asi shoko iri rinokwanisa kupatsanurwa nokuti vanhu tonoonekwa tichigona kushandisa pfungwa nenzira dzakasiyana uye panguva dzaksiyana. Mumwe ane kuchenjera kwekugona muchikoro asi asina kuchenjera kwekugona kutaura nekugarisana nevanhu.
Mhando Dzacho [chinja]
Huchenjeri (Social Intelligence) kazhinji huchenjeri hunotaurwa pamusoro pemunhu anokwanisa kushanda navanhu kuti akwanise kubudirira pazvinhu zvaanoda kuti. Munhu akachenjera anokwanisa kutaura nevanhu, achishanda nevanhu, achiyananisa, kukurudzira, nokubudirira pane zvaanobata. Somuenzaniso mukomana akachenjera hanetseki kupfimba musikana; izivi hazvineyi nokugona mabhuku muchikoro.
Ungwaru (Dispositional intelligence) zvinoreva huchenjeri hunotaridzwa kana kubuda pachena zvichienderana nezviripo panguva iyoyo. Mumwe anagaita ungwaru padare pari kutongwa mhosva.
Musoro (socially constructive dispostion) huchenjeri hwemunhu anogona kuvaka vamwe asingaputse, uye munhu asingatambise mukana, asingaite hurombe.
Mhangami: (Clever, watchful, practical person) - izwi iri rinotaura munhu anokwanisa kubata nemawoko, kugadzira nokuita zvinhu - munhu uyu anonzi akapangama.