Muruko weMukotsvanidzwa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMukosanidzwa (chirukwa))

Mazwi okuti Muruko weMukotsvanidzwa kana utunganidzwa (synthetic material) ari kushandiswa pano kureva chiro chakarukwa kana kugadzirwa nokubatanidzwa kwezvinhu zvakashandwa nemunhu. Chiro kana chine muruko wemukotsvanidzwa kureva kuti chimiro chacho hachiwanikwe pakati pezvisikwa asi chinenge chashandurwa nokubatanidzwa kwezviro zvakasikwa zvinenge zvavandudzwa nevanhu.

Izwi reChirungu rinoti synthetic rinoreva put together or placed together. Izwi rokuti kukotsvanidza rinoreva kuunganidza pamwe zvinhu zvakasiyana - to gather together different things.

KuChiShona shoko rokuti kukosa rinoreva kurukanisa tambo mbiri dzemakavi. Tambo idzi dzinomonwa dzichipuruzirwa nechanza pagumbo remuruki, ruwoko rwuya parunodzokera shure dzobva dzamonana kuita tambo imwe inonzi mukosi. Kukosanidzwa kungaitwa zvimwe zviro hakuitwe nemutowo uyu asi chakakosha pano kuti zvinhu zviviri zvakasiyana zvinogumisidza zvava chiro chimwechete.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Donje harina muruko wemukotsvanidzwa nokuti donje rinokohwewa mumunda ringori shinda yakangosikwa yakadaro iri shinda. Chinozoitwa nevanhu kuti varuke machira edonje, kupatsanura donje kubva kumbeu yaro, nekukosa donje riya kugadzira shinda refu.
  • Asi nylon imhando yeshinda yatingati shinda yemukotsvanidzwa nokuti hakuna shinda yakasikwa iri nylon. Nylon inowanikwa panoshandwa kana kuvandudzwa mafutarubwe (petroleum) anocherwa kubva pakati pemabwe ari pasi pevhu kana mugungwa.
  • Kune mishonga yokurapa inowanikwa muzvisikwa inenge ichibva kumakwenzi akasiyana siyana mimwe inodyiwa yakadaro riri shizha kana mudzi wegwenzi. Kunoitawo mimwe mishonga inokohwehwa kubva pamakwenzi ichizokombodzwa kuitwa mapiritsi. Mimwewo mishonga inenge iri mukotsvanidzwa wakagadzirwa nevanhu pasina chinotorwa kubva kumakwenzi.

Kuti pazotaurwa muruko wemukotsvanidzwa nguva zhinji kunenge kune chimwe chiro chemhando iri kucherechedzwa chinowanikwa chakasikwa chakangodaro; saka apa panenge pava kuda kusiyaniswa pakati peicho chakaumbwa nebamba revanhu, neicho chinowanikwa kubva muzvisikwa.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaHerero vanoti omu-tungo (n. form) vachireva chiwumbiko.
  • VaHerero vanoti tungua (p.p. formed; fashioned) vachireva chakawumbwa.
  • VaHerero vanoti otyi-tungua (n. something built, constructed, fabrication) vachireva chiwumbwa.
  • VaHerero vanoti tunga onyungu (to make a pot) vachireva kuumba hari.
  • VaDigo vanoti kutunga kana tunga (to put together, to arrange, to compose).
  • VaDigo vanoti tengeza (to make, to construct, to repair). Ko tikati mutengezanwa zvinorevei?