Mukondombera weAIDS

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMukondombera AIDS)

Izwi rokuti mukondombera rinoreva pandemic kana chirwere chakatekeshera. AIDS muenzaniso wechirwere chakatekeshera - saka pakutaurwa tinofanira kuti Mukondombera weAIDS nokuti kunokwanisa kuita mukondombera wechimwewo chirwere. Mazuvano vanhu vazhinji vanokanganisika vachifunga kuti zvinoreva chirwere che HIV-Aids. Izvi zvaka tangira apo muimbi Thomas Mapfumo akaimba kambo kake kainzi mukondombera kanova ndiko kakaita kuti izwi iri riite mukurumbira.

Mukondombera weAIDS[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvino notaura kurwara nezvirwere zvakasiyana-siyana kunoonekwa mushure mekunge masoja anodzivirira kurwara kwemumuviri aparadzwa neutachiona hweHIV. Saka mukondombera hachisiri chirwere chimwe asi izita rinotsanangura mamiriro ekunge muviri usisakwanise kuzvidzivirira kubva kuchitsama chezvirwere mushure mekunge utachiona hweHIV hwatekeshera mumuviri wemunhu. Mukondombera unowanzovapo kwapera makore akati kuti munhu atapukirwa neutachiona hweHIV.

Chii chinonzi HIV[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

HIV hutachiona hunoparadza hudzivisi hwezvirwere pamuviri wemunhu. HIV hutachiona hunokonzera Mukondombera - kana kuti AIDS. Hutachiona uhwu hwunoparadza masoja anorwisa zvirwere zvakasiyana - siyana mumuviri wemunhu. Izvi zvinoita kuti munhu ane utachiona arambe achirwara - rwara kusvikira ave nemukondombera.

Pari nhasi (April 2013) hakuna mushonga unorapa Mukondombera. Kune mishonga yakasiyana siyana inoshandiswa kudzivisa kutekeshera kwehutachiona hunokonzera mukondomera asi denda iri rinoramba ririmo mumuviri.

Kupararira kwehutachiona[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

lHutachiona hunowanikwa mumvura dzemumuviri dzakaita seropa nemvura dzinobuda kana vanhu vachiita zvepabonde (mumbeu yababa nemumvura dzinobuda munhengo yemunhukadzi kana pachiitwa zvepabonde). Unowanikwa zvakare mumukaka waamai. Hutachiona uhwu hunowanzoparadzirika nenzira dzinotevera:

  • Mukuita zvepabonde (Zvikamu makumi mapfumbamwe ane zviviri pazana -92%) Unogona kutapukirwa neHIV ukaita zvepabonde nemunhu ane hutachiona hwacho.
  • Kubva kunamai kuenda kumwana (Zvikamu zvinomwe pazana - 7%). Madzimai vane utachiona vanogona kutapurira vana vavo pavanenge vachisununguka ne pakuyamwisa.
  • Ropa rine utachiona: Munhu anogona kutapukirwa nemukondombera kubva muropa remumwe munhu ane utachiona. Izvi zvinogona kuitika pakuwedzerwa ropa, mumitambo inogona kukuvadza kana vanhu vakabuda ropa, nemukushandisa majekiseni amboshandiswa kumumhu ane utachiona.

MuZimbabwe ropa rose rinoshandiswa muzvipatara rinovhenekwa kuti harina HIV here risati rapiwa kumurwere. Kana rikaonekwa rine utachiona uhwu harizomboshandiswa muvarwere vanoda kuwedzerwa ropa. Hutachiona hwe HIV hauparadzirwe ne:

  • Kupa ropa
  • Kushandisa midziyo yekubikisa
  • Kushandisa zvimbuzi zveveruzhinji
  • Kugara mumba mumwechete nemunhu anheutachiona
  • Kubata kana kubatsira munhu ane utachiona
  • Humhutu/mamosikwito
  • Kukosora nekuhetsura
  • Huroyi

Kuturikira Mashoko[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

AIDS - Acquired Immune Deficiency Syndrome.

  • Shoko rokuti syndrome rinoreva running together. Chivakamberi chekuti syn- chinoreva together. Chikamu chinoti -drome chinoreva running. Saka pazita re'AIDS syndrome rinoreva kumomoterwa nezvirwere kunoitika kana hutachiona hweHIV hwagodza uye muviri wemunhu wakurirwa. Saka AIDS tingati rumomotera rehutachiona nezvirwere runouya pakawondongwa ndemeredzi yehurwere. Nekumwe kutaura muchidimbu toti Mudovodzanwa pakaWondongwa Ndemeredzi yekuRovedzwa - apa ndemeredzi iri kureva immunity; kurovedzwa kuchirevera adaptation. Saka ndemeredzi yekurovedzwa yoturikira adaptive immunity, inodanwa nerimwe zita kuti acquired immunity. Shoko rokuti mudovodzanwa riri kuturikira chinonzi syndrome kureva rumomotera rwezvirwere nehutachiona runoonekwa kana kuzvidzivirira kwemuviri kwaparara.
  • Living positively with AIDS zvinoreva living right with AIDS, chirevo ichi chinoturikirwa chichinzi kurarama zvakarungama neAIDS - apa izwi rokuti zvakurungama rinotaura zvimwechete nokuti right.
  • Tendai is HIV positive inoturikirwa ichinzi Tendai ane HIV Yakaterama kana kuti Ropa raTendai rakawongororwa, HIV yakaterama .
  • His blood sample tested HIV negative yoturikirwa kunzi Ropa rake rakawongororwa HIV Yakapokama apa izwi rokuti yakapokama riri kureva kusawirirana kana kusabvumirana nezvarehwa, zviri kutaurwa kana zvakanyorwa - sokuti Ndinopokana nezvabva kutaurwa naSachigaro.
  • Living positively with AIDS yoturikirwa ichinzi Kuterama uchirarama neMukondombera
  • Vana vazhinji varikusangana nematambudziko anosanganisira kusekwa nevamwe vana.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kinande vanoti ekikali kana omukondo (n. residence). Mamwe mazwi: omo-mulongo (at the village). Bavili vanoti beelë (v. to be sick; to be in the wrong).
  • Luwanga vanoti okhuleema (be ninsufficient, lack). VaGwere vanoti kudamba (be needy; be in need; be deficient; be without, struggle, suffer), kutambura.
  • MaZulu vanoti putayo (deficient). Mamwe mazwi: puta (defective, fall short, imperfect, lapse, fail, omit). Ukuputa (imperfection. failure, omission). Mamwe mazwi: putile (imperfect, lapsed).
  • Swahili vanoti parama; palama (1. be lacking or deficient; 2. be sterile or barren). VaNyoro vanoti -kondama (become weak and emaciated from illness).
  • MaZulu vanoti inkohlombela (n. Emaciated person or beast). Mamwe mazwi: umkhohlomba (n. Emaciated person or beast).