Mukokeri weMubisho

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMukokeri weMushininga)

Mukokeri weMubisho (Chief Operating Officer or Operations Director) anenge ari mukokeri uye mushandi weSangano anotungamira mabasa esangano mazuva ose. Mukokeri weMushaninga anoshanda ari pasi peMukokeri Mukuru. Shoko rokuti mushininga rinoreva kushanda nesimba kana kushanda basa guru ringava rinorema kana rinoda kukasira kana rinoda kuchama (concentration) - irori shoko rokuti mushininga ndiro riri kuturikira inonzi operation kuChirungu.

Shoko rokuti operation iri richireva to work or labour kana kuti to have effect, be active, cause.

Mukokeri Mukuru kana kuti Mukokeri Muzvinabamba (Managing Director or Chief Executive Officer)' anenge ari mushandi wesangano uye ari nhengo yeDare reVakokeri aine basa rokutungamira mabasa esangano zuvanezuva. Mukokeri Mukuru anoshanda ari pasi peDare reVakokeri achipanga mazano mudare iri.

Mukokeri Sakutwara (Executive Director) anenge ari mukokeri anoshandira sangano riri kutaurwa nezvaro zuva-nezuva, ari anoona kuti zvirongwa zvedare revakokeri, zviri kutevedzerwa nokuwaniswa midziyo, mari nehumhizha hunodikwana mubazi raanotungamira. Izwi rokuti execute rinoreva to carry out, ixvi zviri izvo zvinoitwa naExecutive Director.

Mukokeri wezveMari kana kuti Mukokeri wezveMuduso (Finance Director or Chief Financial Officer)

Mukokeri wezveVashandi (Human Resources Director)

Mukokeri wezveKutengeserana (Marketing Director)

Mukokeri wekunze (Non-executive director) anenge ari nhengo yeDare reVakokeri asi asiri mukokeri mushandi.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti okutyita (execution) rinotaurwa mururimi rweHerero.
  • Izwi rokuti tyita (execute; do; perform) rinotaurwa mururimi rweHerero.
  • Izwi rokuti kutwala (be responsible for, in-charge or in control of) rinotaurwa kuLugwere richireva kuva nehudaviri pamushando uripo.