Mudzi wenhamba
From Wikipedia
Muchidzidzo masvomhu, mudzi wechi n we nhamba iri kumurirwa na x (nth root of a number), inhamba inomirirwa na r, yokuti kana yaradanurwa padanho n, zvinoenzana na x. Hukama uhwu hunonyorwa sezvizvi,
apa n anenge ari munongedzo remudzi wacho. Mudzi wepiri unenge une munongedzo wa 2, mudzi wechitatu unenge une munongedzo wa 3, mudzi wemakumi maviri unenge une munongedzo wa 20, zvichingodaro.
Somuenzaniso:
- 2 mudzi wepiri wa 4, nokuti 22 = 4.
- −2 mudzi wepiri wa 4, nokuti (−2)2 = 4.
- 9 mudzi wepiri wa 81, nokuti 92 = 81.
- −9 mudzi wepiri wa 81, nokuti (−9)2 = 81.
Mudzi wenhamba unowanza kunyorwa kuchishandiswa chiratidzo
kana
, kana
kana
kureva mudzi wepiri.
Apa
anoshandiswa kumiria mudzi wetatu,
anomirira mudzi wechina, zvichingodaro. Pakupangidza
, n anonzi munongedzo - index kuEnglish. Apa n anotiudza kana kunongedza kuti parikutsvagwa mudzi wenhamba wechingani.
