Mudoti

Kubva Wikipedia
Mashizha emudoti anopotera padavi

Mudoti (Ficus sonderi) igwenzi rinowanikwa kuchamhembe nekumabvazuva kweAfrica rinokura kusvika 20m. Gwenzi iri rinowanikwa munzvimbo dzinosanganisira makomo ane mabwe; kumamwere uye panevhu rechikwatamabwe. Muti uyu hauwanikwe mumapinga anonaya mvura (rainforest) kana kunzvimbo dzine mvura shomane dziri kuBotswana, Namibia neSouth Africa.

Mushonga unonzi methanol unowanikwa mumashizha emudoti unonzi unorapa manyoka, saka muti uyu unokosheswa semushonga.