Uta neMuseve

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMiseve)

Museve (arrow in English) chombo chakagadzirwa chiine chitanda chipfupi chakabatanidzwa nemuromo unopinza unoshandiswa kubaya panguva yokunge vanhu vachirwa hondo kana kuvhima. Museve unokandwa kuchishandiswa uta.

  • Mbaniro (notch) zvinoreva gwanza riri sure kwemuseve apo unobatiswa napo kuuta.
  • Goba (arrow case with arrows). Kana goba risina miseve rinonzi mukutu. Zvichida izwi rokuti mukutu rinotodzana nerokuti mukudu?
  • Bhanhire ( A skin belt with pouches for arrows). Kana awanda onzi mabhanhire.
  • Uta, vuta, utati kana dati (bow in English) chombo chakagadzirwa chiine muti unotepuka wakakakwa tambo pakati pawo kusvika muti wakombama kuita munyonga. Dati kana pari pakuwanda anonzi matati. Chombo ichi chinoshandiswa kupfura kana kuti kukanda museve.
  • Chandoma kana mhina (1. Wooden arrowhead, 2. Arrow with wooden head).

Nhengo dzeMuseve[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Vanhu vachaendayo nembita nemisee, ngokuti nyika yeshe inozoita makato neminzwa: Only those with bows and arrows will go there, because the entire land will become thorns and thistles. (Isaiah 7:24, Bhaibheri reChiNdau).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kana museve woda nyama unodauka pauta.
  • Kana museve woda nyama unodauka pauma.

Apa izwi rokuti uma richireva inonzi haze kana mirage kuEnglish.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGungu vanoti buta (n. bow) kureva uta. Mafwe vanoti mata (n. bows) kureva uta pakuwanda. Kimbundu vanoti uta (n. weapon).
  • Herero neNyanja vanoti uta (begin; found; invent; initiate; undertake; originate; commence anything). Kikongo inoti tota (arrow) kureva museve.
  • Herero inoti omu-zi (arrow point) kureva munzi wemuseve. Chimbalazi vanoti vuuta (v. pull). Lela vanoti s'tàa fire at, shoot) kureva kupfura pfuti.
  • Lozi inoti -kunga (v.t. to gather, to collect, to muster) vachireva kukunga. VaChewa vanoti chikungo (the string of a bow).
  • Digo inoti lubgwe (string, cord, bowstring) zvichireva kukumbira vabereki tambo yeuta. VaLenje vanoti uruvuto (string of bow) vachireva tambo yeuta.
  • Chopi vanoti seve (n. a long barbed narrow head). Swahili vanoti tora (spear with a narrow head). Tuwuli vanoti ta (v. shoot) kureva kupfura.