Mhou (shiri)

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Ostriches cape point cropped.jpg

Shiri inonzi Mhou ishiri inowanikwa muziwumbe reAfrica isingakwanise kubhururuka. Shiri iyi yakakura zvokudarika kureba kwemunhu; inoreba zvokusvika 1.7-2.3m kana yakamira. Mhou inozivikanwa nokuva nemakumbo marefu nemutsipa murefu.

[chinja] Magariro eMhou

Mhou dzinodya zvinomera muvhu, mashizha nemichero. Dzinodyawo mhuka dzisina muzongoza. Mhou dzinogara mumapoka ane shiri dzinobva pashanu kusvika pamakumi mashanu (5-50). Kana mhou yayingirwa nechikara inohwarara pasi kana kuti inotiza. Kana ichinge yasvitswa pakamanika inorwisa ichikava nemakumbo ayo ane simba samare.

Nguva dzekunge mikono ichitanda nzvari dzinosiyana nenzvimbo; asi mikono inochengera nzvimbo dzayo ichichengera nzvari dzingava mbiri kusvika sere (2-7).

[chinja] Kupfuyiwa

Mhou dzinopfuyiwa munyika dzakawanda Pasirose; minhenga yadzo ichishandiswa kushongedza mudzimba uye semitsvairo yekupumha guruva pamidziyo. Matehwe adzo anoshandiswa kugadzira mabhedi nemabhande uye nyama yadzo inotengeswa ichidyiwa. Nyama yemhou yakatsvuka seyemhuka dzemusango uye ine kunhuwirira kwayo kunokwezva moyo.

Personal tools
Namespaces

Variants
Actions
Banguranyika
Maturuzi
Mimwe Mitauro