Mhande

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti mhande (layers, folds or thickness) rinodudza kurongwa kwezvinhu kuita sechigumbeze kana rukanda runovhara nharaunda iri kutaurwa nezvayo. Izvo zvarongwa kana kuwarikwa zvinenge zvine kupimwa kwehudzamu hwakaenzana pamusoro penharaunda yacho. Saka two layers inonzi mhande mbiri kana riri rimwe ronzi rupandi.

Kujekesa

Mhande inogona kuva yezvinhu zvemagodo kana mutuvi kana gasi.

  • Panozorwa dovi pachingwa, karukanda kedovi kanenge katova mhande.
  • Panovakwa imba, mizera wega-wega wezvidhinha unenge uri mhande. Pakati pemizera yezvidhinha panoitawo mhande yesamende.
  • Mvura ikadirwa muPetrol, mituvi miviri iyi haisangane kana kunyunguditsana. Mvura ine huduma hwakakura kudarika Petrol. Nokudaro mvura inoita mhande pasi, Petrol yoita mhande pamusoro.
  • Panopiswa huni mumbaura panobuda gasi we carbon dioxide unova unorema kudarika mweya watinofema. Gumbeze irori recarbon dioxide rinenge rave mhande.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mhande (black grains of millet).
  • Mhande (crushed grain of maize or other).